Accessibility links

Breaking News

Mavandudzirwo ePOSA Oshayisa Mufaro Vakawanda


Police monitoring situation in Harare during Zimbabwe three-day protests, Jan. 2019.
Police monitoring situation in Harare during Zimbabwe three-day protests, Jan. 2019.

Masangano akazvimiririra pamwe chete nevagari vekuMasvingo vari kushoropodza kuvandudzwa kwemutemo we Public Order and Security Act, POSA, vachiti hurumende haina zvakawanda zvayashandura mubhiri remutemo pamutemo weMaintenance of Order and Peace Act, kana kuti MOPA.

Vachitaura pamusangano waitwa muMasvingo neSangano re Southern Africa Parliamentary Support Trust (SAPST), vemasangano akazvimirira vati hurumende iri kunyengedza veruzhinji pamwe nepasi rose kuti yave kuvandudza mitemo kuitira kuti iite hutongi hwejekerere asi iyo pasina zvairi kuita kunze wekuchinja mazita emitemo ino dzinyirira ichiidzosa ne rweseri.

Munyori wesangano re NANGO Southern region, Amai Lucia Masekesa, vati mutemo uri kuuya we MOPA hauna kumbosiyana newaivepo we POSA uye unombunyikidza kodzero dzevanhu pamwe nekuvhara mikana yekushanda kwemasangano akazvimiririra.

Musangano uyu wanzwa kuti zvikamu zvizhinji zvaiva muPOSA, zviri kudzoswa mumutemo weMOPA.

Nhengo yesangano reMasvingo Women’s Forum, Muzvare Sungano Zvarebwanashe, vati mutemo mutsva uyu unombunyikdza kodzero dzevanhu sePOSA vachiti unopa mutungamiriri wenyika simba rekupinza mauto mumugwagwa kuti vamise kuratidzira kune mhirizhonga mukati.

Asi vamwewo vange vane maonero akasiyana vachiti hurumende iri kuratidza kuvimbika kwayo nekuti yave kuita zvayakavimbisa zvekuvandudza mitemo kuti vanhu vasununguke munyika.

Mutevedzeri wemutungamiri wesangano reZimbabwe Congress of Student Unions, Muzvare, Samantha Mafuta, vati hurumende yakarerutsa mutemo we POSA nekuti zviri mu MOPA zvave kugadzirisa dambudziko raisangana nevanhu.

Vanoona nezvekufambiswa kwebasa muSAPST, Va Viviane Mashavave, vatiwo kunyange vanhu vane pfungwa dzavo dzakasiyna siyana, chinangwa chemusangano wayo change chiri chekuti vanhu vaziviswe zviri mubhiri idzva re MOPA.

VaMasvavave vati vanhu vachapuhwa mukana wekupa pfungwa dzavo mubhiri iri mwedzi unouya apo paramende ichafamba nyika yose ichitora pfungwa idzi bhiri risati rapasiswa kuitwa mutemo.

Gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Amai Monica Mutsvangwa, vati havakwanisi kutipa pfungwa dzehurumende munyaya iyi vachiti vange vakabatikana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG