Accessibility links

Breaking News

Zifa Yozeya Nyaya yeMurairidzi weZimbabwe Warriors

Sangano reZimbabwe Football Association, kana kuti Zifa, rinoti riri kusangana neChina manheru kuti rizeye nyaya yekunyimwa mwumo yekushanda munyika kwa Tom Saintfeit, uyo akanga apihwa basa rekurairidza chikwata che Zimbabwe Warriors.

Bazi rezvemukati menyika rinonzi rakaramba kupa murairidzi uyu basa richiti mitemo yenyika haina kutevedzwa paakapihwa basa iri neZifa.

Saintfeit akadzingwa munyika mwedzi wapera achinzi ange atanga basa asina mapepa ekushandisa kunyange hazvo akanga anyorerana chibvumirano neZIFA chemakore mana chekuti ange ari murairidzi wechikwata chikuru chenyika.

Hazvisati zvava pachena kuti Zifa ichaita seyi kana hurumende ikaramba yakatsika madziro panyaya yaSaintfeit, uyo anofanirwa kunge achitambiriswa mari inoita zviuru zvesere zvemadhora ekuAmerica.

Studio7 haina kukwanisa kunzwa kubazi rezvemukati menyika panyaya iyi.

Veruzhinji vanotsigira nhabvu munyika vanoti Zifa inofanirwa kugadzirisa zvinhu nechimbi chimbi sezvo mutambo wenhabvu usina kumira zvakanaka pari zvino.

Zifa iri mumakakatanwa nenyaya yekudzinga basa kwayakaita vaimbova Chief Executive vayo, Muzvare Henrietta Rushwaya, vachipomherwa mhosva yekubvumidza chikwata chemaWarriors kuti chiende kunotamba mitambo kuAsia zvisina mvumo kubva kuSports and Recreation Commission. Muzvare Rushwaya vari kupikisa kudzingwa kwavo.

Zifa inoti pari zvino Madinda Ndlovu ndiye akabata matomu uye ndiye achatungamira chikwata svondo rinouya apo Zimbabwe ichaenda kuMozambique kunotamba mutambo wekuyedzana simba.

This item is part of
XS
SM
MD
LG