Accessibility links

Breaking News

ZIFA Yotsvaga Anofanotungamira Chikwata chemaWarriors


Mutungamiri weZIFA VaFelton Kamambo

ZIFA yatanga hurongwa hwekutsvaga murairidzi wechikwata chemaWarriors zvichitevera kudzinga basa kwayakaita Zdravko Logarusic nemusi weSvondo muchiitiko chakatambirwa nevatsigiri venhabvu vakawanda kunyangwe vamwe var kuti dambudziko riri kuZIFA yacho.

Mutungamiri weZIFA VaFelton Kamambo vanoti gadziriro yekutsvaga achatsiva Logarusic yatove padango repamusoro.

VaKamambo vati rwendo rwuno havasi kuzoita zvakamboitwa kare zvekuti murairidzi anodzingwa nyaya yozoenda kumatare.

FIFA yakarambidza Zimbabwe kukwikwidza mumakwikwi e2018 World Cup mushure mekunge yakundikana kubhadhara murairidzi wekuBrazil Jose Claudinei Georgini azivikanwa nekuti Vallinos mushure. Vamwe varairidzi vakaita saTom Saintfiet, Norman Mapeza, Callisto Pasuwa naSunday Chidzambwa.

Asi vakawanda munyika vatambira kudzingwa kwaLoga. Nhengo yeZimbabwe National Soccer Supporters Association VaPhillip Regede vanoti vaive vatononokerwa nekudzingwa kwaLoga.

Asi mukufara umu veruzhinji vanoti Zifa inofanira kufamba nebhora mberi nekutsiva Loga nechimbi - chimbi kuti murairidzi mutsva awane nguva yekugadzirira mitambo inotevera.

Logarusic akadzingwa pamwechete nevatevedzeri vake Tonderai Ndiraya, Lloyd Chitembwe naBenjani Mwaruwari.

Mukuru weZimbabwe Football Stakeholders Forum VaFrancis Zimunya Nyamutsamba vanoti Zifa yaive yarasika kutsvaga murairidzi wekunze kwenyika nekuti basa iri rinofanira kuve riri remurairidzi wemuno,

Pane mashoko ekuti ZIFA iri kutaura naMapeza na Mwaruwari kuti vambofanobata matomu. Asi vamwe vari kuti vamwe vakaita saBruce Grobbelaar akaita mbiri neLiverpool, Joe Antipas naPasuwa vanofanira kupihwa mukana.

Mutevedzeri wemurairidzi weHarare City Fungai Kwashi anoti murairidzi mutsva uyu anofanira kurongerwa mitambo yegadziriro nekuti pasina izvi anokundikanawo zvekare.

Vakawanda vanoti ZIFA ndiyo iri kupa kuti maWarriors atatarike nekutadza kuvarongera matambo yekuenzana simba nedzimwe nyika.

Zimbabwe ichiri nemitambo mina yemakundano e2022 World Cup uyezve ndeimwe yezvikwata makumi maviri neina dzirikuenda kumafainari e2021 Africa Cup of Nations.

Asi mutambo mukuru wemurairidzi mutsva uyu ndeuyo uriko musi wa 10 Gumiguru apo Zimbabwe irikushanya Ghana mumutambo we2022 World Cup.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG