Accessibility links

Breaking News

ZIFA Yokurudzirwa Kutsvaga Nzira Dzekuwana Mari


Vatsigiri venhabvu munyika vari kukurudzira sangano reZimbabwe Football Association, ZIFA, kuti rigadzirise zvinhu kuitira kuti rikwanise kukwezva vatsigiri vakawanda vanobhadhara mari yekunoona bhora.

Vati vatsigiri vakawanda vakaita izvi, zvichabatsira ZIFA mukuwana mari yakawanda, iyo inozoshandiswa kubhadhara varairidzi venhabvu nekuva chengetedza, kuitira kuti mutambo uyu ubudirire munyika.

ZIFA inonzi iri kuda kugadza Norman Mapeza semurairidzi achafanoita basa iri. Mapeza ari kutarisirwa kutungamira chikwata che Zimbabwe Warriors apo chichienda kumakwikwi eAfrican Nations Championship neSeychelles, ayo achatambirwa munyika iyi pakupera kwegore.

Mumwe mutsigiri wenhabvu, Va Wellington Dangarembizi, vanoti ZIFA inokwanisa kushandura zvinhu kana vatungamiri vatsva vakazvipira kushanda vari muhuchokwadi.

XS
SM
MD
LG