Accessibility links

Breaking News

ZIFA Yodzinga Basa Murairidzi wemaWarriors Logarusic neVatevedzeri Vake Kusanganisira Benjani Mwaruwari


Warriors Team Coaches Zdravko Logarusic and Benjani Mwaruwari
Warriors Team Coaches Zdravko Logarusic and Benjani Mwaruwari

Murairidzi wechikwata chenhabvu chenyika chemaWarriors Zdravko Logarusic nemusi weSvondo akaadzingwa basa nemhaka yekukundikana.

Mumashoko kuvatori venhau, vanoona nezvekuburitswa kwemashoko muZIFA VaQolisani Gwesela vati sangano ravo ratenderana naLogarusic kuti asiye basa mushure mekutarisa mashandiro ake kubva zvaakatora basa iri.

Loga adzingwa pamwechete nevatevedzeri vake Tonderai Ndiraya, Lloyd Chitembwe pamwe na Benjani Mwaruwari. Mutungamiri weZIFA VaFelton Kamambo vaudza Studio 7 kuti ichokwadi kuti Loga asiya basa nekuti haana kuita zvavange vakatarisira.’

Vanoongorora nyaya dzezvemitambo uye vakambotambira Buymore neCaps United VaMore Moyo vati havana kushamiswa nedanho iri.

Zifa yasvika padanho iri mushure mekuiswa panguva yakaoma nevatsigiri venhabvu icho changa chichisheedzera kuti Loga aenda kubva musi uyo Zimbabwe yakarohwa 1-0 neEthiopia iyo isina zita munhabvu.

Munyori wemutambo wenhabvu anga achitevera zvanga zvichiita ari kuEngland VaAdmire Muhimeke vanoti vamirira kuona kuti achapihwa basa iri ndiani sezvo Zifa yaive yakatoronga kudzingwa Loga.

Veruzhinji varikuda murairidzi wemuZimbabwe uyo vanoti ndiye chete anokwanisa kuita basa iri nemazvo vachitarisa nhoroondo yemaWarriors.

Varairidzi vakaita daBruce Grobbelaar, Joey Antipas, Kalisto Pasuwa, Benjani Mwaruwari, naNorman Mapeza arikungotaurwa nezvayo, VaEugene Kuhuni, vachiti Mapeza ndizvo.

Murairidzi achapihwa basa iri anofanira kukunda kana kuita zviri nani mumitambo mina ye2022 World Cup yasara pamwe nekumafainari eAfcon ayo ari muna Ndira 2022.

Mutambo weZimbabwe unotevera uriko musi wa 10 Gumiguru apo maWarriors ari kusangana neGhana mumakundano e2022 World Cup.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG