Accessibility links

Breaking News

Zifa Yotya Kuisa Mari Yakabva kuFifa Mubhanga Rayo


ZIFA PRESIDENT FELTON KAMAMBO AND BOARD MEMBER BARBRA CHIKOSI.j

Mutungamiri weZifa, VaFelton Kamambo, vanoti havasi kutora mari yakabva kuFifa, iyo inoita iyo mamirioni maviri nezviuru mazana mana zvemadhora ekuAmereka nekuti kuita izvi hapana chinovabatsira sezvo mari iyi ichizobatwa nevezvikwereti kubhanga ravo.

VaKamambo vanoti vabvumirana sebhodhi reZifa kuti vambomira kutora mari iyi kusvikira vaderedza zvikwereti zvavanazvo kuitira kuti mari yacho izokwanisa kushanda kuita zvebudiriro zvayakanangana nazvo.

Zifa ine zvikwereti zvinosvika izvo mamirioni masere emadhora ekuAmerica, kusanganisira mari yeaimbove mushandi wavo, VaLazarus Mhurushomana, avo vakabudirira kumatare ndokunzi mari yavo inofanira kubatwa kubhanga pese panopinda mari yeZifa mubhanga ravo.

Pamusoro pezvimwe zvikwereti, Zifa ine zvekare mari yeveLed Car Hire, avo vakaita kuti midziyo yekumahofisi egungano iri itengeswe kuti vaunganidzirwe mari yavo asi ikatadza kukwana.

Zimbabwe yakambodzingwa zvekare mumakwikwi e2018 World Cup neveFifa nemhaka yechikwereti cheaimbove murairidzi wemaWarriors Valinhos uyo vaive vasingatambirise mari yake yemuhoro.

Asi VaKamambo vanoti havasi kuda kuti izvi zvidzokorodzwe zvekuti vari kutambirisa murairidzi wavo mutsva Zdravko Lugorusic wekuCroatia nemari yemuno yemaRTGS.

Zvikwereti zveZifa izvi zvinodzokera kumashure kubva muna 2010 apo sangano renhabvu iri raitungamirwa naVaCuthbert Dube.

Asi VaKamambo vanoti vazvipa kusvika muna Chikumi kuti vaone kuti zvikwereti izvi zvabhadharwa uyezve kuti Zifa yamira pakachena munyaya dzemari.

Pari zvino, veZifa vari kumhanya-mhanya zvekare kuunganidza mari yechikwata chenyika chemaWarriors icho chine mitambo ye2021 Africa Cup of Nations muna Kurume.

Zimbabwe iri kusangana neAlgeria mumitambo miviri yakateverana musi wa 23 nemusi wa 30 Kurume.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:04 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG