Accessibility links

Breaking News

Makwikwi eChibuku Super Cup Otanga neChitatu


chibuku super cup
chibuku super cup

Makundano enhabvu eChibuku Super Cup ari kutanga mangwana nemitambo ichatambirwa muBulawayo, Mutare neZvishavane.

FC Platinum iri kudzoka iri pamberi pezvikwata zvese mushure mekuita gadziriro yakasimba nekutamba muCaf Champions League.

Kunyange hazvo isina kuenderera mberi zvakanyanya nekurohwa neSagrada Esperance yekuAngola munharaunda yekutanga, kukwikwidza chete kwayakaita mumakundano aya kwakaibatsira nekugwinya pamwe neruzivo.

Muteveri wemutambo wenhabvu, VaAlpha Makombe, vanoti izvi zviri kupa FC Platinum gumbo rimwechete pamberi pezvikwata zvese.

Kugona Kunenge Kudada ine mutambo neHwahwa iyo ine poindi imwe chete mumitambo mina yemuGroup 3.

FC Platinum ine mapoinzi mapfumbamwe, mapoinzi matatu pasi peNgezi Platinum Stars iyo iri kutungamira gungano reGroup 3 iri.

Ngezi Platinum iri kusangana neTriangle munhandare imwechete yeMandava Stadium mangwana.

Asi maziso ese ari paDynamos neHighlanders idzo dzichangobva kutambidzwa mari inoita iyo mamiriyoni mashanu nezviuru mazana matatu zvemadhora ($5,3 million) neimwe kambani yemuZimbabwe.

Dynamos ndiyo iri kutanga kupinda munhandare neYadah muNational Sports Stadium mangwana, Highlanders ichizoteverawo neChina apo iri kusangana neBulawayo Chiefs muBarbourfields Stadium mumutambo weGroup 2.

Murariridzi weDynamos, Tonderai Ndiraya, anoti hapana chavari kutarisira mumutambo uyu kunze kwekukunda.

Mimwe mitambo mugungano rine Dynamos reGroup 1, Herentals iri kusangana neZPC Kariba mangwana zvekare, Caps United ichibandana neHarare City neChina.

KuBulawayo, Chicken Inn iri kutamba neBulawayo City muBarbourfields Stadium mangwana mune mumwe mutambo weGroup 2.

Mugungano rezvikwata zvinotambira kwaMutare reGroup 4, mitambo yese iriko mangwana.

Black Rhinos ine Tenax, Cranbourne Bullets ichisanganawo neManica Diamonds.

Zvikwata zviviri zvichapedza zviri pamusoro mumagungano mana aya, ndizvo zvinopinda mukota fainari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:50 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG