Accessibility links

Breaking News

ZEC Inokuridzirwa Kudzidzisa Vanhu Zvakakwana


ZESN Inoda Kuti ZEC Imise Kutyityidzirwa Kwevanhu
ZESN Inoda Kuti ZEC Imise Kutyityidzirwa Kwevanhu

Sangano rinoongorora nyaya dzesarudzo rakazvimirira reZimbabwe Election Support Network, kana kuti ZESN, rinoti kune zvakawanda zvinoda kugadziriswa munyaya dzekunyoreswa kwevavhoti kusanganisira kuranga vari kutyisidzira vanhu nekukurudzira vechidiki kunyoresa kuvhota kuti chikamu chepiri chekunyoresa vavhoti chibudirire.

Vachitaura nevatori venhau muHarare, sangano reZESN rabudisa ongororo yavo yechikamu chekutanga chekunyoreswa kwevavhoti icho chakapera musi wa25 Gumiguru.

Sachigaro wesangano iri, VaAndrew Makoni, vati huwandu hwevanhu vakadzoserwa kumba vasina kuuya nezvakakwana kuzonyoresa hunoratidza kuti pachiri kuda kuitwa dzidziso yakakura kune veruzhinji.

VaMakoni vatiwo sangano reZESN riri kushungurudzwa zvikuru nekushomeka kwevanhu vakanyoresa muchikamu chekutanga kunyanya vechidiki.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muZESN, Amai Ellen Dingani, vatiwo sesangano vatangawo zvirongwa zvekudzidzisa veruzhinji nezvekunyoresa sezvo zvichiratidza kuti ruzivo rwushoma.

Vatiwo vari kushanda nemasangano evakaremara sezvo vari vamwe vemapoka asiri kuwana dzidziso muchirongwa chekunyoresa ichi.

Sangano iri rakurudzira komisheni inoona nezvesarudzo yeZimbabwe Electoral Commission kuti muchikamu chepiri ichi vakoshesewo vanorarama nehurema nekuona kuti pane nzvimbo dzekunyoresa dzinosvikika zvirinyore.

ZESN inotiwo nyaya yekutyisidzirwa kwevanhu ichiri kuenderera mberi vanhu kumaruwa kunyanya vachinyeperwa kuti vachaonekwa pavanenge vavhotera. ZESN yatiwo kana nhengo dzayo dziri kuongororora chirongwa chekunyoresa vavhoti dziri kutyisidzirwa kunzvimbo dzakaita seZvishavane, Mwenezi West neBulilima East.

Mukuru wesangano reZimbabwe Democracy Institute, Doctor Pedzisayi Ruhanya, vaudza Studio7 kuti zvakakosha kuti masangano akazvimirira akaita seZESN ashande pamwe chete neZEC nevamwe vezvematongerwo enyika kugadzirisa zvimhingamupinyu zviri kusangana nevari kunyoresa kuvhota kuti zvigadziriswe.

Chikamu chepiri chekunyoresa kuvhota chinopera musi wa 13 Mbudzi, uye ZEC ine zvikamu zvina zvekunyoresa kuvhota.

Nyaya Ina Patricia Mudadigwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:04:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG