Accessibility links

ZESN Inoti Zanu PF Yomutsiridza Mabhesi eKushungurudzira Vanhu

  • Jonga Kandemiiri

Sangano rinorwira kuti munyika muve nesarudzo dzakachena, reZimbabwe Election Support Network, kana kuti ZESN, rinoti rine humbowo hwekuti bato reZanu PF ratotanga kumutsiridza mabhesi ekushungurudzira vanhu mugadziriro yesarudzo idzo dzisati dzazivikanwa kuti dzinoitwa riini.

Gwaro reongororo rakaburitswa neZESN mukupera kwesvondo rinoratidza kuti Zanu PF ine makamba kuKotwa kuMudzi mudunhu reMashonaland East nemudunhu reMashonaland Central paChiwashira kuMuzarabani South, paFox Farm, Negomo neNzvimbo Council Hall kuMazowe, paKasanga Primary School neChakari Hall kuRushinga.

Mukuru weZESN, Amai Rindai Chipfunde-Vava, vanoti sangano ravo rave kutyira kuti makamba aya achashandiswa mukushungurudzira vanhu sezvakaitika musarudzo dzemuna 2008.

Asi mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, varamba zvakaburitswa neongororo iyi, vachiti aya mabasa emamwe masangano akazvimirira ekuda kusvibisa chimiro cheZanu PF pamwe nenyika.

XS
SM
MD
LG