Accessibility links

Breaking News

ZESN Inoti Hurongwa Hutsva hweKuvhota Huri Kurongwa Hune Zvipingaidzo


Sangano rinokurudzira sarudzo dzakachena munyika, reZimbabwe Election Support Network, kana kuti ZESN, rinoti harisi kugutsikana nehurongwa hutsva huri kuda kushandiswa nehurumende panguva yesarudzo hwekuti munhu angobvumidzwa chete kuvhotera panzvimbo iri pedyo nekumba kwake.

ZESN inoti hurongwa uhwu hune zvahwakanakirawo, asi hunovhiringa kodzero yemunhu yekuvhota kana zuva rekuvhota rikasvika iye asiri pamusha pake.

Mukuru weZESN, Amai Rindai Chipfunde-Vava, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo rinoona sekuti vanhu vanenge vatiza misha yavo nemhirizhonga havazogona kuvhota vari kune dzimwe nzvimbo.

Hurongwa hutsva uhu huri kuda kuiswa nechinangwa chekudzivirira zvaiitika musarudzo dzapfuura zvakaita sekutakurwa kwevanhu kubva mune mamwe matunhu vachinovhota kune dzimwe nzvimbo dzinenge dzichiratidza kuti rimwe bato rinogona kukundwa musarudzo.

XS
SM
MD
LG