Zesa inoti yawedzera mutengo wemagetsi nezvikamu gumi nezvipfumbamwe kubva mazana kutanga musi wa 1 Kurume.
Asi vamwe vataura neStudio 7 vari kuchema chema kuti ZESA iri kungowedzera mutengo asi magetsi acho asiri kuwanikwa.
Mutauriri weZESA VaFullard Gwasira vaudza Studio 7 kuti kana magetsi akawedzerwa vanokwanisawo kuatenga kunze kwenyika nekubhadhara zvikwereti zvavo.
ZESA ine zvikwereti kuEskom yekuSouth Africa neHydro Cahora Bassa yekuMozambique.
Kuwedzerwa kwemagetsi kunoreva kuti magetsi ange achiita madhora makumi maviri nemakumi mashanu (ZWL20.50) kusvika madhora makumi maviri nemana nemasendi makumi mashanu (ZWL24,50) pamayuniti makumi mashanu.
Magetsi aya anoramba achiwedzerwawo kana munhu ashandisa akawanda.
Facebook Forum