Accessibility links

Breaking News

ZESA Yovimbisa Kuti Magetsi Achaita Zviri Nani Nhasi Apo Zvimwe Zvipatara Zvotadza Kuita Basa


Kambani yeZESA inoti nyaya yekudzimwa kwemagetsi zvakanyanya munyika yose kuri kukonzerwa nenyaya yekuti gwenya remagetsi remarasha kuHwange Thermal Power Plant harisi kushanda zvakanaka.

Asi Mutauriri weZESA VaFullard Gwasira vavimbisa kuti gwenya iri richagadziriswa manheru anhasi.

Hurukuro naVaFullard Gwasira
please wait

No media source currently available

0:00 0:02:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Izvi zvauya apo vanhu vakawanda munyika vari kuchema nerekuti kudzimwa kwemagetsi kwanyanyisa uye havasi kuziviswa nguva yaanenge achizoenda kana kudzimwa.

Mumiriri weMarondera Central mudare reparamende VaCaston Matewu vanoti vari kushushikana nenyaya yekuti dzimwe nguva chipatara cheMarondera General Hospital chinenge chisinawo magetsi zvoisa dunhu rose reMashonaland East panjodzi.

Asi VaGwasira vanoti havadzime magetsi muzvipatara zvikuru kana paine dambudziko rakadai vanhu vanofanira kufonera veZESA nekuti pamwe pane zvimwewo zvinogona kunge zvakafa.

Hurukuro naVaCaston Matewu
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG