Mumashoko kuvatori venhau nhasi, kambani inoona nezvemagetsi yeZimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company kana kuti ZETDC yazivisa kuti yatanga chirongwa chekudzimira vanhu magetsi kwemaawa gumi nemavairi pazuva kana kuti 12 hours nekuti iri kukundikana kugaya magetsi anokwanira nyika yose.
Kambani iyi inoti iri kuwana magetsi mashoma kubva kugwenya rinoshandisa marasha reHwange uye iri kugadzirisawo magwenya anoshandisa mvura kuKariba. ZETDC inotiwo magetsi airi kutenga kubva kunze mashoma pane ari kudiwa.
Kambani iyi inoti ichakoshesa kuendesa magetsi kunzvimbo dzakakosha dzakaita sezvipatara, kunogayiwa mvura, kuchengetedzwa kwenyika nezvimwe.
Zimbabwe yakapedzisira kuishaya magetsi zvakadai muna 2019 uye nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti izvi zvichakanganisa zvikuru hupfumi hwenyika.
Facebook Forum