Accessibility links

Breaking News

ZESA Inoti Kushandiswa kweMagetsi Kuchakwira neZvikamu Zvinodarika Makumi Maviri Kubva Muzana


Kambani yemagetsi yeZESA inoti gore rino kushandiswa kwemagetsi munyika kunotarisirwa kukwira nezvikamu makumi maviri nezvipfumbamwe kubva muzana nekuda kwekumutsiridzwa kwemaindasitiri, zvikuru mighodhi, pamwe nekurima.

Gwaro rakaburitswa neZimbabwe Electricity Transmission and Distribution Company, inove bazi reZESA, rinoti migodhi iri kumaodzanyemba kwenyika chete iri kutarisirwa kushandisa zvikamu makumi maviri nezviviri kubva muzana zvemagetsi mugore rino.

ZESA inogaya magetsi ari pakati pe900 ne1,200 megawatts, uye inotengawo zvikamu makumi matatu nezvishanu kubva muzana kubva kuMozambique neDemocratic Republic of Congo, DRC, asi nyika ichida magetsi ari pakati pe1,900 ne2,200 megawatts.

Migodhi inosanganisira Mimosa, Impala, Maranatha Ferrochrome, Mazowe neRioZim, mimwe yemigodhi inotarisirwa kuwedzera kushandiswa kwemagetsi munyika.


Magetsi achashandiswa nemaindasitiri ari kutairisirwa kukwira nezvikamu makumi mashanu nezvishanu kubva muzana, ukuwo mapurazi achikwidzwawo nezvikamu makumi matatu nezvitatu kubva muzana.

Magetsi ari kugara achidzimwa-dzimwa munyika, izvo zvoita kuti vanhu vasave nechivimbo nekambani yemagetsi iyi. Zimbabwe inyika yechitatu panyika dzinoshandisa magetsi akawanda muAfrica ichitevera South Africa neNigeria.

Mukuru weEmployers Confederation of Zimbabwe, VaJohn Mufukare, vanoti vanowirirana neongororo yeZESA, vachiti ZESA inofanirwa kuvhura mamwe magwenya kuitira kuti dambudziko iri ripere.

XS
SM
MD
LG