Accessibility links

Breaking News

Zesa Inoti Dambudziko reMagetsi Richaramba Riripo kweMakore Matatu


Kambani yemagetsi yeZesa inoti dambudziko rekudzimwa dzimwa kwemagetsi richaramba riripo kwemakore matatu kana mana anotevera, sezvo iri kutarisana nematambudziko akawanda.

Zesa inoti matambudziko aya anosanganisia zvikwereti zvayo, kudzikira kwehuwandu hwemagetsi mudunhu rekuchamhembe kweAfrica, uye kubiwa kwemidziyo yekambani iyi.

Vachipa humbowo neMuvhuro pamberi pekomiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto, mukuru weZesa, VaJosh Chifamba, vakati midziyo yeZesa inobiwa pamwedzi woga woga inokosha mari inoita mazana masere ezviuru zvemadhora.

VaChifamba vakatiwo kukwidzwa kwemitero yemagetsi pamwe nezvirongwa zvitsva zviri kuitwa neZesa kuHwange neKariba, zvichagona kuderedza dambudziko rekushaikwa kwemagetsi munyika mumakore anotevera.

Zesa yakakwidza mitero yemagetsi muna Gunyana nezvikamu makumi matatu nechimwe kubva muzana, izvo zvinonzi nevamwe hazvifambirane nemagetsi avari kuwanisa vanhu.

Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvemhando dzemoto, uye vari nhengo yeZanu PF inomirira Uzumba muparamende, VaSimba Mudarikwa, vanoti chingangoita chete kuti Zesa ikwanise kushanda zvakanaka kutorwa kwezvikwereti zvayo nehurumende, uye kupa mukana kune makambani ekunze anoda kubatana nayo.

XS
SM
MD
LG