Accessibility links

Breaking News

ZESA Inokwidza Mitero yeMagetsi


Vanoshandisa magetsi munyika vanotarisirwa kusunga dzisimbe, sezvo kambani yemagetsi yeZESA, yakwidza mitero nezvikamu makumi matatu nechimwe kubva muzana.

Mari yemagetsi iri kukwira kutanga kwemwedzi unouya kubva pamasendi manomwe nechidimbu, kana kuti 7.5 cents, kuenda pa 9.3 cents pakilo-watt hour (kwh).

ZESA inoti iri kuita zviri pamutemo sezvo yakapihwa mvumo yekukwidza mitero nesangano reZimbabwe Electricity Regulatory Commission.

Vanoshandisa magetsi anosvika 50 kilo-watts pamwedzi vachange vachatarisirwa kubhadhara mari inoita $1.20 pamwedzi, ukuwo vachashandisa 300 kilo-watts vachabhadhara madhora makumi matatu.

Vanoshandisa magetsi zvakanyanya kusvika pa1200 kilo-watts vachange votarisirwa kubhadhara mari inoita $164.00 pamwedzi.

Mutauriri weZESA, VaFullard Gwasira, vaudza Studio7 kuti vanotarisira kuti vanoshandisa magetsi vachatambira danho iri sezvo ZESA yanga isati yambokwidza mitero kubva pakatanga kushandiswa mari dzekunze.

Asi mutauriri werimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba, vaudza Studio7 kuti vari kuronga kusangana nevagari kuti vaone gwara rekutora pamusoro pedanho reZESA iri, sezvo vagari vakawanda vasingakwanisi kubhadhara mitero mitsva iyi.

XS
SM
MD
LG