Accessibility links

Breaking News

ZEC Yozvipiringisha paNyaya yeKuvhota kweMapurisa


Sangano reZimbabwe Electoral Commission rave kuita pamunhondo pamusasa nenyaya yekuvhota kwakaitwa nemapurisa nezuro.

Mukuru wesarudzo muZEC VaUtoile Silaigwana vakambotanga vati havana ruzivo rwekuti mapurisa ainge avhota paRose Camp kuBulawayo vasati vachinja rwiyo voti vainge vavhota.

Izvi zviri kukatyamadzawo vanhu vakawanda nekuti nezuro ZEC yainge yazivisa nyika kuti mapepa ekuvhotesa emutungamiri wenyika kwete enhengo dzedare reparamende nemakanzura.

Nyanzvi munyaya dzemitemo dzinoti mapurisa, nevamwe vari kumizinda yeZimbabwe vanoita zvekutumira kana kuendesa voga mapepa ekuvhota kumukuru wavo kwete kuita zvekumiswa mumutsetse zvange zvichiitwa muBulawayo.

Mutauriri wemapurisa, Amai Charity Charamba, vanoti ichokwadi kuti mapurisa atanga kuvhota nhasi pasi pechirongwa che postal vote.

Amai Charamba vanoti mapurisa akavhota pasina kumanikidzwa sezviri kubuda pa social media. Asi vatiwo havana ruzivo kana hurongwa uhu hwaitwa pasi rose, asi chavanoziva ndechekuti mapurisa eku Bulawayo ndiwo atanga kuvhota nhasi.

MDC-T inotungamirwa naVaNelson Chamisa inoti iri kukwidza kumatare zvakabuda nezuro kuRose Camp muBulawayo uko kwakawanikidzwa mapurisa achivhota pasi pechirongwa chepostal vote, mapato anopikisa pamwe nevaongorori vesarudzo vasingazivi.MDC-T inoti izvi zvinoratidza pachena kuti Zimbabwe Electoral Commission, ZEC haisi kuita basa rayo sezviri mubumbiro remitemo yenyika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:09 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi ZEC yakati yakanga isina ruzivo nezvekuvhota kwemapurisa uku, kunyange hazvo mutauriri wemapurisa, Senior Assistant Commissioner Charity Charamba, vakaudza Studio7 nezuro manheru kuti mapurisa ekuBulawayo akavhota zviri pamutemo.

Mutauriri we MDC-T, muzvare Thabitha Khumalo vanoti vachaenda kumatare.

Vachitaurawo nezvenyaya iyi, gweta vari nyanzvi munyaya dzebumbiro remutemo Dr Alex Magaisa vanoti ZEC yaratidza kuti yakundikana kubata sarudzo zvakanaka.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:03 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG