Accessibility links

Breaking News

ZEC Yowedzera Nguva yeKuti Vanhu Vanyorese Kuvhota paNzvimbo Dziri Pedyo Navo


Mamwe mapato ezvematongerwo enyika anoti vanotambira hurongwa hweZimbabwe Electoral Commission hwekuwedzera mazuva ekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota asi achiti nguva iyi ishoma.

Mutauriri webato reZAPU, VaIphithule Maphosa, vanoti bato ravo rinotambira chirongwa chemop up cheZimbabwe Electoral Commission chekunyoresa vanhu vange vasati vawana mukana wekuita izvi, kuti vanyorese vagokwanisa kuvhota.

Asi VaMaphosa vanoti havagutsikane nemazuva mashoma akapiwa chirongwa ichi.

Mutauriri webato reMDC inotungamirwa naVaWelshman Ncube, VaKurauwone Chihwayi, vaudza Studio7 kuti bato ravo rinotambirawo chirongwa ichi nekuti zvange zviri pachena kuti kune vanhu vakawanda vane kodzero yekuti vavhote vange vasati vakwanisa kuwana mukana wekunyoresa.

ZEC ichave nenzvimbo dzinopfuura zviuru zviviri munyika mose dzekunyoresa vanhu kuti vagokwanisa kuvhota uye chirongwa ichi chiri kuitwa kubva musi wa19 kusvika 29 mwedzi uno panguva iyo vanhu vakanyoresa munyika vanenge vachitarisirwa kuwona kuti mazita avo arimo here mu-voters roll.

Mukuru weZEC muBulawayo District, Amai Sithembiso Khupe, vaudza Studio 7 kuti muBulawayo muchange mune nzvimbo dzinopfuura mazana mana dzekuti vakanyoresa vawone kuti mazita avo arimo here mugwaro remazita evavhoti.

Vatiwo pachange pane nzvimbo mumawadhi ose makumi maviri nemapfumbamwe ari muBulawayo uko vasati vaita izvi vachakwanisa kunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Mutevedzeri wasachigaro wesangano reZimbabwe Election Support Network, VaDumisani Nkomo, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo rinoona chirongwa ichi chakakosha kana kwakanyanya kutariswa matunhu eBulawayo neMatabeleland South uko kwakave nevanhu vashoma vakanyoresa pane vanhu vose vakanyoresa kuti vagokwanisa kuvhota munyika mose.

Vati chirongwa ichi chinopa mukana wekuwedzera huwandu hwevanhu ava munzvimbo idzi.

Pakapera chirongwa chemop up muna Kukadzi vanhu vanopfuura mamiriyoni mashanu nemazana maviri ndivo vaive vakwanisa kunyoresa kuti vagokwanisa kuvhota.

Kunyange hazvo vanhu vange vachiramba vachikwanisa kunyoresa kumahofisi eZEC ari munzvimbo dzakasiyana-siyana munyika, vamwe vanochema nerekuti mahofisi aya mashoma uye ari kure nekune veruzhinji izvo zvinoita kuti vanenge vaine kodzero yekunyoresa vawore moyo.

ZEC inoti muHarare chete mune vanhu zviuru mazana mashanu vasati vanyoresa kuti vagovhota uye chirongwa ichi chinotarisirwa kupa mukana kuvanhu vakaita seivavo.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG