Accessibility links

Breaking News

ZEC Yopa Vari Kukwikwidza Gwaro reVavhoti Mushure Mekunetsana Kwakanyanya neVanopikisa


Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba

Vari kukwikwidza musarudzo dzegore rino vakatanga kupihwa gwaro revavhoti nemusi weMuvhuro mushure mekunge vachema chema kuti Zimbabwe Electoral Commission kana kuti ZEC iri kutadza kutevera mutemo wesarudzo unosungira kuti vave negwaro iri pachine nguva.

Pakamboitawo mutauro wakanyanya apo muzinda weBritain wakanzi wainge waburitsa mashoko padandemutande rayo reTwitter uchiti wainge wawana gwaro revavhoti iri panguva iyo vanopikisa nemasangano akazvimirira vainge vachiti ZEC yainge ichitsika madziro kuti vatengewo gwaro iri.

Sachigaro weZEC Amai Priscilla Chigumba vainge vamboudzawo vatori venhau kuti vanoda nguva yekugadzirisa gwaro iri.

Vamwe vati vawana gwaro iri ndeveZimbabwe Election Support Network kana kuti ZESN. Sachigaro weZESN VaAndrew Makoni vaudza Studio 7 kuti vainge vawana gwaro revavhoti kunyangwe vachiti rainge ranonoka.

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG