Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Yakagadzirira Kuita Sarudzo Kana VaMugabe Vakatara Zuva


Komisheni inoona nezvesarudzo munyika, yeZimbabwe Electoral Commission, kana kuti ZEC, inoti yakagadzirira kuita sarudzo chero nguva, kana mutungamiri wenyika VaRobert Mugabe, vakangozivisa nezvazvo.

Vakafanobata chigaro chasachigaro wekomisheni iyi, Amai Joyce Kazembe, vanoti havana dambudziko nekutungamira sarudzo munyika.

VaMugabe vakazivisa kuti referendamu yebumbiro idzva remitemo ingangoitwa kutanga kwegore rinouya, sarudzo dzozoitwa pakati pegore.

Mapato eZanu PF neMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai anotiwo akagadzirira kupinda musarudzo, kunyange hazvo MDC inotungamirirwa naVaArthur Mutambara iri kuti hayioni sarudzo dzichibudirira kuitwa bumbiro remitemo idzva risati rapera.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti nyika inoda mari inoita mamiriyoni mazana maviri emadhora kuti sarudzo dzikwanise kuitwa.

Mamwewo masangano anorwira kodzero dzevanhu anoti munyika muchiri kuitika mhirizhonga, izvo zvinoita kuti vaone kunge sarudzo dzisingazoitwi murunyararo.

Sachigaro veZimbabwe Election Support Network, ZESN, VaTinoziva Bere, vaudza Studio7 kuti vanoshamisika nedanho ratorwa neZEC sezvo masvondo apera sangano iri raiti harikwanisi kuita sarudzo sezvo pachine zvakawanda zvinoda kugadziriswa, zvakaita segwaro revavhoti, pamwe nenyaya dzemari.

XS
SM
MD
LG