Accessibility links

Breaking News

ZEC Inoti Mari yeSarudzo Yavakapihwa naVaBiti Ishoma Zvikuru


Zimbabwe Electoral Commission inoti mari yayakapihwa nehurumende yekuti iite basa rekugadzirira sarudzo, ishoma zvikuru zvekuti zvinonetsa kuti sarudzo dziitwe gore rino sezviri kudiwa nemutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nebato ravo reZanu-PF.

Gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vakapa ZEC mari inosvika mamiriyoni makumi matatu emadhora yereferendamu uye mamiriyoni makumi maviri emadhora semari yekugadzira zviri kudiwa kuvandudzwa zvakaita segwaro rekuvhota nezvimwe.

ZEC inoti yakwidza nyaya yekushomeka kwemari iyi kuvatungamiri vatatu vari muhurumende yemubatanidzwa.Sachigaro veZEC, VaSimpson Mutambanengwe, vanoti havasati vagara pasi naVaBiti kuti vataure nezvemari yavakapihwa iyi.

Mukuru weZimbabwe Election Support Network, Amai Rindai Chipfunde-Vava, vanoti ZEC inofanira kupihwa mari yakafanira kuitira kuti ikwanise kugadzirira kuti munyika muitwe sarudzo dzakachena.

XS
SM
MD
LG