Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Electoral Commission Yotaura Nyaya dzeSarudzo


Sangano rinotungamira nyaya dzesarudzo munyika reZimbabwe Electoral Commission rinoti hairisi kuzombunyikidzwa kuita sarudzo gore rinouya kana zviri kuda kuti zvigadziriswe zvisati zvaiitwa.

Mutungamiri weZEC, Justice Simpson Mutambanengwe, vaudza Studio7 kuti mapepanhau haana kunyatsotapa zvakanaka mashoko akataurwa nemutevedzeri wavo, Amai Joyce Kazembe, apo vanonzi vakati ZEC yakagadzirira kuita sarudzo.

Amai Kazembe vaudza Studio 7 kuti havana chekutaura panyaya iyi pari zvino sezvo VaMutambanengwe variwo mutauriri weZEC.

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nemutungamiri wehurumende, VaMorgan Tsvangirai, vakati vagadzirira kuti vaite sarudzo gore rinouya sezvo barika ravo nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaArthur Mutambara, raramba kushanda.

Asi svondo rapera, masangano anodarika makumi mapfumbamwe achitungamirwa neZEC, akati nyika haina kugadzirira kuita sarudzo nekuti pane zvirehwa rehwa zvakawanda zviri kuda kugadziriswa.

Dare remakurukota rinonzi rakatenderana kuti ZEC imbopihwa mari inosvika mamiriyoni makumi mana yekushandisa pari zvino kuti paitwe gadziriro yesarudzo.

Mari iyi ichashandiswa mukugadzirisa gwaro revavhoti, kutara miganhu yematunhu, nekudzidzisa vanhu nezvesarudzo. Asi VaMutambanegwe vati havasati vaudzwa nezvehurongwa uhu.

Sachigaro weZimbabwe Election Support Network, VaTinoziva Bere, vanoti mashoko aVaMutambanengwe anoratidza kuti muromo weZESN hauwire pasi.

XS
SM
MD
LG