Accessibility links

Breaking News

ZCTU yaVaMatombo Inopomera Chikwata chaVaNkiwane Mhosva yeKuvhiringidza Musangano Wacho


Chikwata cheZCTU chinotungamirwa naVaLovemore Matombo, chati chakavhiringidzirwa musangano wacho kuBulawayo nemusi weChina nevechidiki veZanu PF, avo chikwata ichi chati vakabhadharwa nechimwe chikwata cheZCTU chinotungamirwa naVaGeorge Nkiwane kuti chiite izvi.

Vakafanobata chigaro chemunyori mukuru wechikwata chaVaMatombo ichi, VaRaymond Majongwe, vati vechidiki vakanga vakapfeka mbatya dzebato reZanu PF, vaka svikopinda nechisimba mumusangano wavo waitirwa paNew Royal Hotel, vachivapomera mhosva yekutuka mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, uye kuitira musangano panzvimbo yaifanirwa kuitirwawo musangano nevechidiki ava.

Vechidiki ava, avo vanonzi vaive vaine mipini netsvimbo, vanonzi vaidawo kurova VaMajongwe pamwe neVaMatombo, avo vanonzi vaidaidza nemazita.

Mapurisa akanga akapakata zvombo ndiwo anonzi akazodzimura bongozozo iri, musangano uyu ukazoenderera mberi wakachengetedzwa nemapurisa aya.

Hatina kukwanisa kubata veZanu PF kuBulawayo kuti tinzwewo divi ravo panyaya iyi.

VaMajongwe vaudza Studio 7 kuti aka hakasi kekutanga kuti musangano wavo uvhiringidzwe, vachiti zvakaitika zvakare muGweru nemusi weChitatu.

Mutungamiri wechimwe chikwata cheZCTU, VaGeorge Nkiwane, vatiwo chikwata chavo ndicho chiri pamutemo, uye hachina mari yekubhadhara vechidiki kuvhiringidza misangano yevamwe, sezvo iri kodzero yemunhu wese kuita misangano munyika.

XS
SM
MD
LG