Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yoyambira Kuti Munyika Muchaita Kuratidzira Kunotyisa


Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rokurudzira veruzhunji kuratidzira
Sangano reZimbabwe Congress of Trade Unions rokurudzira veruzhunji kuratidzira

Sangano guru rinomirira vashandi munyika reZimbabwe Congress of Trade Unions razivisa kuti munyika muchave nekuratidzira kwakakomba mumazuva mashoma ari kutevera richiti harisi kufara nekusamira zvakanaka kwezvinhu munyaya dzezvehupfumi.

Vachitaura nevatori venhau pamahofisi esangano ravo, mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vati vashandi vazhinji pamwe nerudhende rwese rwevanhu munyika vari kunhonga svosve nemuromo sezvo vachiti hupfumi hwenyika hwaenda kumawere.

VaMutasa vati mari yemunyika haisisina simba zvekuti vave kutoda kuti vashandi vose munyika vabhadharwe nemari dzekunze angave madhora ekuAmerica kana mari yekuSouth Africa vachiti maRTGS ari kutambirwa nevanhu munyika akangofanana nemutero wembwa.

VaMutasa vati chasara ndechekuti vashandi vose vachipinda mumigwagwa kudzamara zvavari kuda zvose zvagadziriswa nehurumende.

Vaenderera mberi vachiti huori hwapfunya chisero muhurumende zvekuti vamwe vakuru-vakuru muhurumende vave kufanira kusiya basa uye vamwe vavo vachiendeswa mujeri.

Hatina kukwanisa kutaura negurukota rinoona nezvevashandi, VaPaul Mavhima, kuti tinzwe divi rehurumende panyaya dzemari dzemihoro sezvo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.

Hurumende svondo rino yakati yawedzera vashandi vayo mari dzemihoro nezvikamu makumi mashanu kubva muzana pamari dzavanga vachitambira uye madhora ekuAmerica makumi manomwe nemashanu kwemwedzi mitatu.

Masangano evashandi akaramba kutambira mari yakawedzerwa nehuruemende iyi achiti mari iyi haina zvainokwana.

Zvichakadai, munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaNick Mangwana, vaudza Studio7 parunhare kuti basa remasangano evashandi akaita seZCTU nderekugara pasi nehurumende kuitira kuti vashandi vakwidzirwe mari dzemihoro vachiti ndosaka hurumende yakadzosa gungano reTripartite Negotiating Forum kuitira kuti hurumende, vashandi nevashandirwi vakwanise kugara pasi vachiita nhaurirano.

Asi VaMutasa vati hapana chiri kubuda kunhaurirano idzi sezvo vachiti hurumende iri kuramba yakaisa zvimiti munzeve.

Panyaya yekuti vamwe vari muhurumende vasiye basa pamusoro penyaya dzehuori, VaMangwana vati ZCTU haifanire kuita zvekurwisana nehurumende vachiti mikova yehurumende yakavhurika kuti paite nhaurirano.

Vati kusiya basa kwevari muhurumende kuri kutaurwa neveZCTU kurota masikati machena. Zvataurwa naVaMangwana zvatsigirwawo nemushandi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaTafadzwa Mugwadi.

Zvichakadai, VaMutasa vakurudzira masangano akaita seSADC, African Union pamwe neUnited Nations kuti aise maziso awo paZimbabwe pavachange vachiratidzira vachiti hurumende inogona kutyora kodzero dzevanhu panguva iyi.

Asi mutungamiri webato reAfrican Devlopment Party, VaAckson Potera, vati kuratidzira kuri kuda kuitwa neZCTU kuchapinza veruzhinji panjodzi nekuda kwechirwere cheCovid19.

Asi mutungamiri weDemocratic Party, VaWururai Zembe, vati zviri kutaurwa neZCTU zvine musoro sezvo vachiti zvinhu zvasvika pakaomamunyika.

Pakashevedzerwa kuratidzira neZCTU gore rapera, pakarohwa vanhu vakawanda vamwe vakasungwa vamwe vakafa mushure mekupfurwa nevanofungidzirwa kuti masoja.

please wait

No media source currently available

0:00 0:06:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG