Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yoronga Kuita Musangano Mukuru weConvention


ZCTU President Peter Mutasa
ZCTU President Peter Mutasa

Sangano rinomirira vashandi munyika, reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, rinoti riri kuronga kuita musangano mukuru wekuzeya matambudziko ari kusangana nevashandi nemhuri dzavo.

Mutungamiri weZCTU, VaPeter Mutasa, vanoti sangano ravo raona zvakakodzera kuti paitwe musangano uyu sezvo vanhu vari kutambura zvikuru panguva iyo vezvematongerwo enyika vari kuratidza kuti havana hany’a nemushandi.

VaMutasa vanoti vari kuronga kuita musangano uyu sezvavakaita muna 1999 apo ZCTU yakaungana ichizeya rakanaka remangwana remushandi nekuti vezvematongerwo enyika vainge vakundikana kuchengetedza kodzero dzevashandi.

Asi VaMutasa vanoti musangano wavo mukuru uyu uchange wakasiyana newakaitwa muna 1999, uyo wakabuda nechisungo chekuti vatungamiri veZCTU vapinde mune zvematongerwo enyika, izvo zvakaona vachakabvu VaMorgan Tsvangarai naVaGibson Sibanda nevamwe vachiumba MDC.

VaMutasa vanoti sevatungamiri veZCTU havakwanisi kuita zvakaitwa naVaTsvangirai naVaSibanda nekuti havasati vapihwa masimba ekuita izvi nevashandi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG