Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Vashandi Vakawanda Vogumurwa Mabasa


VaPeter Mutasa

Mutungamiri wesangano revashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaPeter Mutasa, vanoti nyaya yekudzimwa dzimwa kwemagetsi uye kushaikwa kwemari yave kupa kuti vashandi vakawanda munyika varasikirwe nemabasa.

VaMutasa vanoti huwandu hwevashandi vari kuuya kusangano ravo nenyaya dzekusamira zvakanaka kwezvinhu munyika hwawandisa.

Mutungamiri weConfederation of Zimbabwe Industries, VaHenry Ruzvidzo, uye mukuru weZimbabwe National Chamber of Commerce, VaChris Mugaga, vakaudza Studio7 kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka mumaindasitiri.

Vaviri ava vakatiwo huwandu hwezvinhu zviri kugadzirwa mumaindasitiri hwadzikira zvakanyanya nematambudziko akatarisana nenyika

Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvevashandi, Amai Sekai Nzenza, sezvo vati vange vari kumusangano kuNyanga.

Kurasikirwa nemabasa kuri kuitwa nevamwe vashandi kunoreva kuti huwandu hwevanhu vasina mabasa hwakira kubva pahwakange huri gore rapera.

Dzimwe nyanzvi munyaya dzemabasa nehupfumi dzinoti vanhu vasina mabasa muZimbabwe vava kudarika zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG