Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Vashandi Ngavawedzerwe Mari Dzinovakwanira


Sangano rinomirira vashandi reZCTU rinoti riri kushushikana zvikuru nevamwe vashandirwi vari kuramba kuwedzera vashandi vavo mari dzemihoro, asi ivo vachizvidirira mazimari uye kuzvitengera zvikakakarara zvemotokari dzinodhura.

Sangano iri rinoti vashandi vazhinji vari kutadza kusvika pachidimbu chePoverty Datum Line, PDL, iyo yava pamazana mashanu nemadhora maviri pamwedzi.

Vashandi vemumabhanga ndivo chete vakawedzerwa mari dzemihoro inodarika PDL, sezvo mushandi wepasi ava kutambira mari inodarika mazana mashanu nemakumi manomwe emadhora pamwedzi.

Vashandi vemakambani asiri pasi pehurumende vanonyanyotarisa semuenzaniso wekuita nawo nhaurirano mari dzinenge dzichitambirwa nevashandi vehurumende. Asi pari zvino vashandi vehurumende havasati vaziva kuti vakawedzerwa mari dzavo here kana kuti kwete, sezvo pachine makakatanwa kunyange hazvo sachigaro veAppex Council, Amai Tendai Chikowore, vakati vakanga vawirirana nehurumende kuti mushandi anotambira mari iri pasi pasi, achange achiwana mari inota US$253 iyo inosanganisira mari dzekubatsirikana.

Asi gurukota rezvemari, VaTendai Biti, vanoti hurumende haina mari yekuwedzera mihoro yevashandi vayo.

Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, vanoti vashandi vanofanirwa kuwedzerwa mari dzemihoro kuburikidza nekutaurirana pakati pevashandi nevashandirwi.

Mukuru wesangano rinomirira vashandirwi, reEmpolyers Confederation of Zimbabwe, EMCOZ, VaJohn Mufukare, vanotiwo makambani mazhinji haasati akwanisa kusimuka zvekuti angawedzere vashandi mari dzakawanda.

Vanotiwo danho rekuwedzera vashandi vepamusoro mari inzira ye EMCOZ yekuedza kuvakwezva kuti vasatiza vachinotsvaga mafuro manyoro.

XS
SM
MD
LG