Sangano rinomirira vashandi reZCTU rinoti hurumende yemubatanidzwa iri kutadza kumisa kushungurudzwa kwevashandi nemapurisa pamwe nevasori.
Mugwaro reongororo yekutyorwa kwekodzero dzevashandi mugore ra2009, sangano iri rinoti rakaona kuti nyaya dzinodarika zviuru zviviri nemazana matatu dzekutyorwa kwekodzero dzevashandi, dzakaparwa nemapurisa pamwe nevasori.
Mutungamiri weZCTU, VaLovemore Matombo, vaudza Studio 7 kuti hapana zvakashanduka pakati pehurumende yakanga iripo yeZanu PF nehurumende yavapo zvino yemubatanidzwa, sezvo kushungurudzwa kwevashandi kuchiri kuenderera mberi.