Accessibility links

Breaking News

ZCTU Inoti Vashandirwi Vanoda Kudzvanyirira Vashandi


ILO
ILO

Vachitaura nezuro, mutungamiriri we CZI, Va Joseph Kanyekanye, vakati Zimbabwe haisati yasvika pane nyika zhinji dzakabudirira kuti iise mitemo iri kudiwa ne International Labour Organisation nevashandi

Sangano re Confederation of Zimbabwe Industries, CZI, rinoti mitemo yevashandi munyika haifaniri kuchinjwa pari zvino nekuti zvingakanganisa kugadziriswa kwehupfumi munyika.

Vachitaura nevatori venhau neMuvhuro, mutungamiri weCZI, Va Joseph Kanyekanye, vakati Zimbabwe haisati yasvika pane nyika zhinji dzakabudirira kuti iise mitemo iri kudiwa neInternational Labour Organisation nevashandi.

Mitemo iyi inosanganisira kupa vashandi gore vasiri pabasa vachiita zvidzidzo asi vachibhadharwa, mukana wekuramwa mabasa zvakawedzerwa uye kuwedzerwa kwemwedzi inobvumirwa vashandi kuti vabhadharwe kwemwedzi mitanhatu kana vachirwara.

Va Kanyekanye vakati mitemo iyi inokanganisa kumutsa kwehupfumi munyika. Asi chipangamazano mu Zimbabwe Congress of Trade Unions, Va Zakeyo Mutimutema, vanoti zviri kutaurwa nevashandirwi kuda kuramba vachidzvinyirira vashandi.

VaMutimutema vanoti Zimbabwe inofanirwa kuenderana nezviri kuitwa nedzimwe nyika pasi rose zvekuremekedza mitemo inochengetedza kodzero dzevashandi.

XS
SM
MD
LG