Accessibility links

Breaking News

ZCTU Yokurudzira Hurumende Kuti Idzikise Mitero


Sangano revashandi reZCTU rinoti riri kukurudzira hurumende paichaparura chirongwa chemari kuti idzikise mari dzemitero dzinobatirwa vashandi kubva pazvikamu makumi matatu nezvishanu kubva muzana, kusvika pazvikamu gumi kubva muzana, kuitira kuti vashandi vasarewo vaine cheuviri.

Pari zvino makambani ari kubatirwa zvikamu makumi maviri nezvishanu kubva muzana.

Svondo rapera, vamiriri veZCTU vakasangana negurukota rezvemari, VaTendai Biti, vachivapira zvichemo zvavo.

Mumwe wevakasangana naVaBiti, VaProsper Chitambara, vanowe nyanzvi munyaya dzezveupfumi musangano reLabour and Ecnomic Development Research Institute of Zimbabwe, vanoti vashandi vanotarisira kuti hurumende ichanzwawo zvichemo zvavo, sezvo vari kubatirwa mari dzemitero dzakawanda, dzinosanganisira Aids Levy, neNSSA.

XS
SM
MD
LG