Accessibility links

Breaking News

Amai Florence Taruvinga Vanosarudzwa seMutungamiri Mutsva weZCTU


Florence Taruvinga
Florence Taruvinga

Sangano guru rinomirira vashandi munyika reZimbabwe Congress of Trade Unions, kana kuti ZCTU, rakaita kongiresi yaro nezuro rikasarudza hutungamiri hutsva uho hwakaona VaPeter Mutasa vachikundwa musarudzo yemutungamiri wesangano iri.

Kongiresi yeZCTU iyi, iyo yakapera pakati pehusiku nezuro, yakasarudza Amai Florence Taruvinga semutungamiri mutsva wesangano mushure mekukunda kwavakaita VaMutasa avo vanga vari pachigaro ichi kwemakore mashanu adarika.

Amai Taruvinga ndivo mudzimai wekutanga kusarudzwa semutungamiri wesangano revashandi iri.

Amai Taruvinga vati vafara zvikuru nekusarudzwa kwavakaitwa nenhengo dzeZCTU uye vacharwira kutikodzero dzevashandi dziremekedzwe.

Vatiwo vachashanda zvakasimba mukusimudzira nyaya yekuti vashandi vose vawane mari dzemihoro dzakafanira kwete kuti vashandi varambe vachisvetwa simba vachipihwa mihoro yakafanana nemitero yembwa.

Amai Taruvinga vati vachatevedzera zvavanenge vatumwa nevashandi zvisinei nekuti vanotsigira mapato api ezvematongerwo enyika.

Hatina kukwanisa kubata VaMutasa kuti tinzwewo divi.

Asigweta uye varivo vaikokera sarudzo dzanezuro, VaAlec Muchadehama, vakataura pakapera kongiresi iyi kuti sarudzo dzakange dzafamba zvakanaka.

Mutungamiri wesangano revadzidzisi vekumaruwa reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vati kunyange sangano ravo rakarambidzwa kuvhota richinzi rakanga risina kuita zvose zvaidikanwa pamberi pekongiresi, varikufara kuti nyaya dzavaida kuti dzizeyewe pakongiresi iyi dzakabudirira.

VaMasaraure vatiwo vamirirawo kuona kuti hutungamiri hutsva huchafambisa sei basa vasati vahupemberera.

Vamwe vakasarudzwa pakongiresi iyi ndiVaValentine Chikosi naVaNicholas Mazarura avo vakasarudzwa sevetedzeri vemutungamiri wesangano iri. VaDouglas Chiradza ndivo vakasarudza kuve mubati wehomwe ukuwo VaRunesu Dzimiri vachisarudzwa kuve mutevedzeri wemunyori mukuru weZCTU.

VaJaphet Moyo ndivo vacharamba vari munyori mukuru wesangano iri kudzamara paitwa musangano weGeneral Council uyo uchaita chisungo chekuti voramba vari pabasa here kana kuti kwete sezvo General Council iriyo ine simba pasi pebumbiro remitemo reZCTU rekudoma munyori mukuru wesangano iri.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG