Accessibility links

Breaking News

Mutongo Unotsigira ZBC Wotambirwa Nemaonero Akasiyanasiyana


ZBC
ZBC

Asi mutongo uyu waunza mutauro wakanyanya munyika vamwe vachiutambira asi vamwe vachiti hurumende iyo iri kutatarika kuwana mari kana yekutambirisa vashandi vayo, yave kutsvaga uta nemugate.

Svondo rapera Dare repamusoro soro reConstitutional Court rakatura mutongo wekuti vanhu vose munyika vane redhiyo, terevhizheni, computer nharembozha kana mudziyo wose unokwanisa kubata masaisai eZBC vanofanira kubhadhara marezinesi.

Asi mutongo uyu waunza mutauro wakanyanya munyika vamwe vachiutambira asi vamwe vachiti hurumende iyo iri kutatarika kuwana mari kana yekutambirisa vashandi vayo, yave kutsvaga uta nemugate.

Veruzhinji vataura neStudio 7 vati mutongo uyu izano rehurumende rekutsvaka mari kubva kuvanhu.

Mumwe mugari wekuMashonaland West, VaGibson Zano, vanoti hurumende iri kuda kungotsvaka mari sezvo vanhu vakawanda vasingateerere nhepfenyuro panharembozha dzavo.

Izvi zvinotsigirwa naVaGarikayi Chaka vanoti kuti munhu wese ave nerezinesi zvakaoma. VaChaka vanoti mutemo uyu unokurudzira huwori munyika.

VaTinoziva Kachuta vanogara mumusha weveruzhinji weChikonohono muChinhoyi vanoti mutemo uyu haushandi sezvo munhu wese ave nenharembozha mazuva ano izvo zvichaita kuti zviome kuteverera munhu wese uye kumanikidza kuti vanhu vateerere nhepfenyuro dzehurumende.

Asi mumwe mugari wemuChinhoyi, VaEndy Banda, vanoti sezvo wave mutemo vanhu vanofanirwa kubhadhara rezinesi.

VaBanda vanoti kana vanhu vave kumanikidzwa kubhadhara marezinesi nhepfenyuro dzehurumende dzinofanorwa kuvandudza zvirongwa zvadzo dzotepfenyura zvido zvevanhu.

Mutongo uyu wapindura nyaya dzakawanda dzanga dziri kumatare edzimhosva dzevanhu vairamba kubhadhara marezinesi kuZBC vachiti painge pasina mutemo unovasungira kubhadhara.

Nyaya ina Arthur Chigoriwa
please wait

No media source currently available

0:00 0:03:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

XS
SM
MD
LG