Accessibility links

Breaking News

ZBC Haina Kuwana Mari muBhajeti ra2014


ZBC
ZBC
Munyori mubazi rezvekuburitswa kwemashoko, VaGeorge Charamba, vaudza komiti yeparamende kuti kambani yeBroadcasting Authority of Zimbabwe, BAZ, iyo iri mushishi rekupa marezenisi emaredhiyo matsva, haina kupihwa mari yakakwana kuitira kuti ikwanise kuita basa rayo nemazvo.

Vatiwo kana kambani yekufambisa masaisai, yeTransmedia, inodawo mari yakakwana kuitira kuti ikwanise kufambisa masaisai enhepfenyuro makumi maviri neshanu dzinotarisirwa kupihwa marezenisi munguva pfupi iri kutevera.

Transmedia yaida mamiriyoni makumi maviri emadhora asi hurumende iri kuda kuipa mamiriyoni matatu nemazana mashanu ezviuru zvemadhora.

Ukuwo BAZ, iyo yaida madhora miriyoni imwe chete nemazana mashanu ezviuru, iri kunzi ichapihwa zviuru mazana matatu nemakumi matatu zvemadhora.

VaCharamba vatiwo Zimbabwe Broadcasting Corporation, ZBC, iyo yaidawo mamiriyoni makumi manomwe nemazana mashanu ezviuru zvemadhora, hapana chairi kunzi ichapihwa.

Gurukota rezvemari, VaPatrick Chinamasa, vakatura kuparamende bhajeti remari inoita mabhiriyoni mana nezana rezviuru zvemadhora inofanirwa kushandiswa nehurumende mugore ra 2014.

Paramende iri kutarisirwa kutambira, kana kusatambira bhajeti iri svondo rinouya.

Vatiwo hurumende yakabhadhara vashandi veZBC vese vainge vave nemwedzi minomwe vasingatambiri.

Asi vati avo vakambomiswa basa vachiferefetwa havasi kuzobhadharwa kudzamara nyaya dzavo dzapera.

Mukuru weZBC, VaHappison Muchechetere, nevamwe vakuru vakuru mukambani iyi vakamiswa basa vachipomerwa mhosva dzehuwori pamwe nekuzvitambirisa mari dzinotyisa, asi vashandi vasingatambiri.

VaCharamba vatiwo VaMuchechetere munhu ange asingakodzeri kuita basa ravaita kuZBC uye bazi ravo rainge risina kuvapa mvumo yekuita madiro pakambani iyi.
XS
SM
MD
LG