Accessibility links

Breaking News

Kunetsana muZanu PF Kofashukira kuZBC neZimpapers


Vatungamiri vebato reZanu-PF vari muzvikwata zvinonzi zviri kutsigira mutevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joyce Mujuru, pamwe negurukota rezvemitemo, VaEmmerson Mnangagwa, vanonzi vari kuita misangano yakasiya siyana nehusiku muhondo yavo yekurwira zvigaro zvematunhu.

Nyaya iyi yatsviriridza mubato iri, vamwe vachiti yasvika pakaipa. Sarudzo dzematunhu idzi dzinonzi nenyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika dzakakosha nekuti vanosarudzwa apa ndivo vachasarudzawo hutungamiri hwebato hutsva gore rinouya pakongiresi yebato iri.

Izvi zvakakoshawo nekuti mutungamii webato iri, VaRobert Mugabe, vanenge vakwegurawo zvopa kuti remangwana rebato iri risanyatsojeka.

Sarudzo dzange dzichifanira kuitwa neMugovera mumatunhu manomwe dzambomira kuitwa nenyaya yekuti vamwe vari kuti pane kubirira kwakanyanya kuri kuitika.

Pave kuitwa musangano wePolitiburo musi uyu, uyo uchazeya nyaya yesarudzo iyo iri kupa kuti vanhu vakandirane makobvu nematete. Vamwe vakuru mubato vaudza Studio 7 kuti hapana ari kurara zvikwata izvi zvichirongerana dhende.

Sarudzo dzakaitwa kuMidlands, Manicaland neMashonaland Central, dzinonzi dzakakundwa nevanonzi vanotsigira Amai Mujuru, uye dzakonzera bopoto rakanyanya mubato.

Zvinonzi vamwe vari kushandisa mari, kutyoisidzirana, pamwe negwaro revavhoti risina kujeka.

Hondo iyi yavewo munhepfenyuro nemapepanhau ehurumende, ayo anonziwo ave kushandiswa negurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJonathan Moyo, avo vanonzi vanotsigira VaMnangagwa.

Mutauriri webato iri, VaRugare Gumbo, vanoti ichokwadi kuti vane musangano wechimbichimbi wePolitiburo neMugovera. Vanotiwo vane chivimbo chekuti VaMugabe, avo vari kuKuwait kumusangano weAfro-Asia, vanenge vadzoka pachaitwa musangano wePolitiburo.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru weMedia Centre, VaEarnest Mudzengi, vanoti Zanu-PF ikasagadzirisa zvinhu inotsemuka nepakati.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
XS
SM
MD
LG