Accessibility links

Breaking News

ZANU-PF Yozeya Kuti Yopa Here VaTekere Ruremekedzo rweGamba reNyika


Hutungamiri hweZANU-PF muManicaland hwabvumirana kuti vaimbove munyori mukuru mu ZANU-PF munguva yehondo yechimurenga, Va Edgar Zivanai “Two-Boy”, vapihwe ruremekedzo rwegamba renyika.

VaTekere vakashayikirwa kwaMutare neChipiri mushure mekurwara nechirwere chegomarara.

Komiti yeZANU-PF yepamusoro soro, kana kuti Politiburo, iri kutarisirwa kudoma VaTekere segamba neChina.

Mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe, vatumira mashoko ekuchema nemhuri yekwa Tekere vachiti VaTekere vaiva munhu akashinga kubva nguva yehondo kusvika Zimbabwe yasununguka kunyange hazvo vakazotadza kuwirirana munyaya dzematongerwo enyika.

VaMugabe vaudza mhuri yekwaTekere kuti kunyange hazvo VaTekere vainga vambosiya Zanu-PF, vaivaremekedza nebasa ravakaitira Zimbabwe.

Mutungamiri wehurumende, Va Morgan Tsvangirai, vaenda kwaMutare kunobata maoko mhuri yekwaTekere.

Asi zvinonzi motokari yaVa Tsvangirai yatadza kusvika pedyo nepamba paVa Tekere, sezvo kune motokari dzinonzi dzaiswa munzira, kuitira kuti VaTsvangirai vatadze kusvika nemotokari yavo. Izvi zvinonzi zvapa kuti VaTsvangirai vafambe chinhambwe kuti vasvike pamba apa vachinobata maoko.

Va Tsvangirai vangobata maoko ndokubva vaenda. Asi mutevedzeri wavo muhurumende, Va Arthur Mutambara, vasara vakazoremekedza Va ekere semunhu mukuru akarwira nyika nekudzidzisa vechikidi kuti vataure zvavanenge vachiwona zvichikanganiswa nehurumende pasina kutya.

Mudzimai waVaTekere, Amai Pamela Tekere, vanoti vari kufara nekuwanda kwakaita vanhu vari kuuya kuzochema kushaya kwemurume wavo.

Vati vanhu vakawanda, kusanganisira ivo, vari kutarisira kuti VaTekere vaitwe gamba renyika zviri pamutemo, uye kuti vavigwe kuHeroes Acre muHarare panzvimbo irere mamwe magamba akarwira nyika.

Munyori anoona nezvemabasa muZanu-PF, Va Didymus Mutasa, vaudza Studio7 kuti zvabvumiranwa nedare guru rePolitburo zvichataurwa neChina. Vati vari kutarisira kuti zvavari kuda zvikabuda, VaTekere vacharadzikwa kuHeroes Acre neMugovera.

VaTekere vakazvarwa musi wa-1 Kubvumbi 1938, vakabatsira mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kubuda munyika vachienda kuMozambique muna Chikumi 1975 kunoenderera mberi nehondo yechimurenga.

Pakawana nyika kuzvitonga, VaTekere vakaitwa gurukota re manpower planning. Muna Nyamavhuvhu 1980, VaTekere vakasungwa vachipomerwa mhosva yekuuraya maneja wepapurazi raive kumucheto kweHarare, VaGerald Adams.

Nyaya iyi yakapinda mumatare edzimhosva VaTekere vachimirirwa negweta rekuBritain, Va Bloom Cooper, avo vakakwanisa kuudza dare kuti VaTekere vasawanikwe vaine mhosva yekuponda Adams parakapa mutongo waro muna Zvita 1980.

VaTekere vakadzingwa muhurumende naVaMugabe muna Ndira 1981, vakazovadzinga zvakare mubato muna 1988, izvo zvakazopa kuti VaTekere vavambe bato re Zimbabwe Unity Movement. VaTekere vakazosiya bato iri vachidzokera zvakare kuZanu PF.

Asi musarudzo yemutungamiri wenyika yakadzokororwa muna Chikumi 2008, VaTekere vakatsigira mutungamiri webato reMavambo, VaSimba Makoni, vachiramba kutsigira VaMugabe.

VaTekere vasiya mudzimai wavo, Pamela uye nemwanasikana, Maideyi.

XS
SM
MD
LG