Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoedza Kugadzirisa Hukama Hwayo neSADC


Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nebato ravo reZanu-PF, vave kuyedza kugadzirisa hukama hwavo nevatungamiri venyika dzemuSADC, uho husina kunyatsomira zvakanaka pari zvino.

Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaSimbarashe Mumbengegwi, neChina vakasangana nevamiriri venyika dzemuSADC vari muZimbabwe kuMunhumutapa kune mahofisi ehurumende.

VaMumbengegwi vanonzi vakaudza vamiriri ava kuti bato ravo rinoremekedza zviri kuitwa neSADC. Vakatiwo mashoko ekutuka SADC anga achibuda mumapepanhau eHerald, achinyorwa zvikuru nemumiriri weTsholotsho, VaJonathan Moyo, akanga asingamiriri bato ravo.

Hukama hweZanu-PF nevatungamiri veSADC hauna kumira zvakanaka kubva zvakaitwa musangano weSADC Troika muLivingstone kuZambia. Vakuru veSADC vakashora zvikuru VaMugabe nebato ravo nekutyora chibvumirano cheGlobal Political Agreement kwavari kuita. Zanu-PF yakati vakuru ava vainge voda kupindira mukutongwa kweZimbabwe.

Asi mushure mekunge SADC yaratidza kusafara kwayo, Zanu-PF yakabva yatanga kudududza. Bepanhu reHerald rinoti VaMumbengegwi vakaudza vamiriri ava kuti vakagadzirira kushanda neSADC.

VaClifford Mashiri avo vaimboshanda mubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika vachimirira Zimbabwe vanoti zvoitwa neZanu-PF zvinonyadzisa.

Tichiri panyaya yeZanu-PF, bato iri rinonzi rapindwa nechando nenyaya yehurwere nekufiwa kuri kuitika mubato iri. Izvi zvinonzi zvave kukanganisa nyaya yekugadzirira sarudzo idzo dziri kuda kuti dziitwe gore rino neZanu-PF.

Vakuru vakuru mubato iri vanoti kurwara kwemukuru wemauto, VaConstantine Chiwenga, kwave kupa kuti hurongwa hwekugadzirira saudzo hunetse. VaChiwenga vari musangano reJoint Operation Command, iro rinofanirwa kunge richisipo, kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, vari kurishandisa.

Pasi peGPA boka iri raifanira kunge risisipo. VaChiwenga vanonzi vakaendeswa kuChina kunorapwa. Vakuru mubato iri vanotiwo mubato hamunawo mufaro nemashoko ekuti VaMugabe havasiwo kunyatsonzwa zvakanaka.

VaMugabe mbune vakatiwo kushaya kwaVaMernard Muzariri, avo vaive Deputy Director General muboka revasori vakavigwa neChina, kuri kukonzerawo kushushikana mubato.

VaMugabe vanoti vave kuvimba zvakanyanya nevemauto nevasori mukutsvaga rutsigiro sezvo vamwe mubato ravo vari vatengesi.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano reAfrica Reform Institute, VaTrevor Maisiri, vanoti zvichanetsa kuti Zanu-PF

XS
SM
MD
LG