Accessibility links

Breaking News

Vechidiki veZanu PF Vosiya VaMatutu naVaTsenengamu Vari paMhene


Vechidiki veZanu PF
Vechidiki veZanu PF

Boka revechidiki reZanu PF rinoti harinei nehurongwa hwevaimbova vatungamiri veboka iri, VaGodfrey Tsenengamu naVaLewis Matutu, hwekurwisana nehuori.

VaMatutu naVaTsenengamu vakamiswa basa nekomiti yepamusoro yebato ravo zvichitevera kudoma kwavakaita anamuzvinabhizimusi vatatu vavari kupomera mhosva yekuita zvehuori.

Vachitaura nevatori venhau pamuzinda webato ravo nhasi, vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemunyori muZanu PF Youth League, VaTendai Chirau, vati kunyange bato risiri kufara nehuori huri kuitwa nevamwe vanhu munyika, havasi kuzotsigira hurongwa hwaVaTsenengamu naVaMatutu avo vari kuronga gungano revechidiki kubva kumapato akasiyana-siyana rakatarisirwa kuzeya nyaya dzehuori hunonzi huri munyika pamwe neremangwana revechidiki muZimbabwe.

VaChirau vati kunyange hazvo vachitevera gwara rakatarwa nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, rekurwisa huori munyika ivo sevechidiki veZanu PF havasi kuzoenda kugungano ranaVaTsenengamu iri iro riri kutungamirwa neboka ravari kudaidza kuti Zimbabwe First Agenda vachiti VaTsenengamu naVaMatutu havasi kutevedzera gwara remusangano wavo.

Zvichakadai, mutauriri weboka revechidiki muMDC inotungamirwa naVaNelson Chamisa, VaStephen Chuma, vaudza Studio7 kuti havanei negungano ranaVaTsenengamu iri vachiti havana kumira pachokwadi panyaya yekurwisa huori munyika.

Chiziviso chegungano reZimbabwe First Agenga ichi chinoti vatungamiri vemapoka evechidiki mumapato akasiyanasiyana vakatarisirwa kutura mashoko pachiitiko ichi icho chakatarisirwa kuitirwa paRobert Mugabe Square iyo inozivikanwa nevamwe ichinzi Freedom Square.

Zvichakadai, munyori anoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF Youth League, Muzvare Yeukai Simbanegavi, vati komiti yepamusoro yeboka ravo nhasi yabvumirana kuti vechidiki vapinde munyaya dzekucherwa kwezvicherwa pamwe nekurima uye vati sebato vabuda nechisungo chekuti vachitanga kutsvaga rutsigiro pamwe nekuti vanhu vanyorese kuvhota musarudzo dzemuna 2023.

Vatiwo sevechidiki vachawanikwa mumisangano ichange ichiitwa kune dzimwe nyika senzira yekubatsira VaMnangagwa pachirongwa chavo chekuti Zimbabwe idyidzane nedzimwe nyika.

VaMnangagwa nevamwe vavo vari muZanu PF vakatemerwa zvirango nenyika dzekumavirira zvichitevera kusafambiswa zvakanaka kwesarudzo munyika pamwe nekutyorwa kwekodzero dzevanhu.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda


Facebook Forum

XS
SM
MD
LG