Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yopfuvisa Vatsigiri veMDC Alliance kwaMurombedzi


ZANU PF Youth Murombedzi 2
ZANU PF Youth Murombedzi 2

Vanotengesa nekugara paMurombedzi, kwaZvimba, mudunhu reMashonaland West, vanoti vari kubviswa panzvimbo dzavanotengesera vachinzi havana kuvhotera Zanu PF musarudzo dzakaitwa neMuvhuro wapfuura.

Vechidiki vanozivikanwa kuti vatsigiri veZanu PF varwisa vanhu vavanofungidzira kuti vakavhotera nhengo yeMDC Alliance inotungamirwa na VaNelson Chamisa, avo vakakunda mutungamiri weZanu PF, VaEmmerson Mnangagwa, pamavhoti musarudzo yemutungamiri wenyika mudunhu reZvimba West.

Pasvika Studio 7 nhengo yeZanu PF uye vari vakambofanobata chinzvimbo chaMambo Nyamukanga, VaObeyi Nyamukanga, vanga vachida kurova VaAmos Mwanza avo vazvidzizirira pavanga vachirwiswa nevechidiki veZanu PF vanosvika gumi.

VaNyamukanga vati ndivo vanotonga paMurombedzi.

VaMwanza vapikisana nevechidiki veZanu PF ava vachiti havarohwe vakapeta maoko avo.

VaMwanza vati vangotanga kurohwa vachinzi vakavhotereyi nhengo yeMDC Alliance paMurombedzi.

Vati nemamiriro akaita zvinhu, vava kutyira hupenyu hwevabereki vavo sezvo vatsigiri veZanu PF vari kuti vachavapisira dzimba kunyange vakazivisa mapurisa.

Asi mutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West, Inspector Clemence Mabgweazara, vati mapurisa haasati atambira nyaya yakadai.

Mumwe anotengesa zvinhu pamurombedzi, VaKizito Jere, vati vanotengesa vari kudzingwa mumwe nemumwe vachinzi vatsigiri veMDC Alliance.

VaJere vati chakanyanya kurwadza vechidiki veZanu PF ndechekuti vanhu vakawanda vakaramba kupfeka zvipfeko zveZanu PF vachiti hapana chavanowana.

VaMwanza vati vechidiki veZanu PF ava vari kubvisa vose vanotengesa zvinhu pamurombedzi vachiti vakaudzwa nevakuru veZanu PF vavasina kuda kudoma nezita.

Kune dzimwe nzvimbo dzakaita seHurungwe vatsigiri veMDC Alliance vari kushungurudzwawo nevatsigiri vebato reZanu PF.

KuMutasa Central kuManicaland, nhengo yeMDC Alliance, VaOzwell Chitere, vanonzi vakatorwa nemapurisa nezuro vachipomerwa mhosva yekupisa imba yenhengo yeZanu PF, vakaendeswa kusina ani anoziva.

Asi nhengo yakakwikwidza ikakunda musarudzo yemumiriri weMutasa Central, VaTrevor Saruwaka, vati VaChitere vari kumapurisa ekwaMutare uye vatuma magweta avo ikoko.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:57 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG