Accessibility links

Breaking News

Bhiri Rinovandudza POSA Rinotambirwa neHouse of Assembly


Zimbabwe President Robert Mugabe (file photo)
Zimbabwe President Robert Mugabe (file photo)

Bhiri rekuvandudza mutemo wePublic Order and Security Act, kana kuti POSA, wakatambirwa nedare reHouse of Assembly neChitatu kuti uve mutemo mutsva.

Bhiri iri rava kuendeswa kudare reparamende repamusoro reseneti kuitira kuti ritambirwewo nedare iri. Kana ratambirwa nedare iri rinenge roendeswa kumutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, kuti vasaine kuitira kuti richiva mutemo unoshanda.

Asi bato reZanu PF, richitsigirana nevakuru vemauto rinenge rave kuomesa musoro kuti bhiri iri risatambirwe nedare reseneti.

Zvinonzi nhengo dzeZanu-PF dzange dziri mudare reparamende dzange dziri shoma zvikuru zvekuti hadzaikwanisa kuti ritadziswe kuenda kudare reseneti.Izvi ndizvo zvinonzi zvava kupa vamwe muZanu PF kuti vachishandisa dare reseneti kuti bhiri iri risatambirwe.

Vane ruzivo nezviri kuitika vanoti vesangano reJoint Operation Command ndivo vari kutsika madziro pahurongwa hwekuti POSA ipe masimba ekubvumidza vanhu kuratidzira kana kuvarambidza kuna majisitireti, kwete kumapurisa.

Vakawanda vanoti mutemo uyu wave kushandiswa zvisiri izvo nemapurisa achidyidzana neZanu-PF.

Munyori webazi rezvekudzivirirwa kwemukati menyika, VaMelusi Matshiya, vanotiwo zviri kudiwa nebhiri rekuvandudza POSA zvinoita kuti mapurisa atadze kudzivirira mhirizhonga.

Vanomiririra Zanu-PF kuMwenezi East muparamende, VaKudakwashe Bhasikiti, vanoti zviri kudiwa neMDC hazvitambirike. Asi mukokeri weMDC-T muparamende, VaInnocent Gonese, vanoti vari kuziva kuti pane zviri kunetsa asi vanovimba kuti mutemo uyu uchatambirwa nedare reseneti.

XS
SM
MD
LG