Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoti Nyika Dzekumadokera Dziri Kuda Kushandura Hurumende


Bato reZanu PF rati ravhundunyura humbowo hwekuti veBritain, America nedzimwe nyika dzekumawirira vane hurongwa hwekupinda mumapazi ebato iri pamwe nehurumende vachishandisa misangano yekutanga kudyidzana zvakare senzira yekushandura nayo hurumende.

Bato iri rati hurumende dzekumawirira idzi dziri kushandisa misangano iri kutungamirwa nemasangano akazvimirira sechombo chekuparadza nacho Zanu PF pamwe nehurumende.

Svondo rapera mumiriri weAmerica muZimbabwe, VaCharles Ray vakasangana nemutungamiri wenyika VaRobert Mugabe. Musangano uyu waitevera mumwe wakanga waitwa pakati paVaMugabe nenhumwa yeEuropean Union, VaNicholas Wescott.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo vati chave kuva katyamadza kufarira kwave kuitwa nevekumadokera ava kuita misangano nebato ravo pamwe nehurumende.

VaGumbo vatiwo hurumende dzekumawirira dzava kutora danho iri sezvo dzakaona kuti hadzina kubudirira kushandura hurumende kuburikidza nekushandisa bato reMDC inotungamirirwa naVaMorgan Tsvangirai.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika, VaCharles Mangongera vati kuvhunduka kwave kuitwa neZanu PF kungoda chete kuvhara nyadzi dzekufumurwa kwakaitwa vamwe vakuru vebato iri neWikileaks.

XS
SM
MD
LG