Musangano wepagore weZanu-PF uri kutanga mangwana uchipera musi wesvondo pasi pedingindira rakanangana nekugadzirisa nyaya dzezvehupfumi panosvika gore ra2030 kana kuti ‘Modernise, Mechanise and Grow the Economy Towards Vision 2030’.
Vanhu vanosvika zviuru zvinomwe vari kutarisirwa pamusangano uyu. Asi kunyangwe hazvo sarudzo dziriko muna 2023, matunhu akawanda ebato iri atotanga kuti achatsvagira mutungamiri wenyika uye vari mutungamiri webato iri VaEmmerson Mnangagwa kuti vakwikwidze zvakare musarudzo idzi.
Munyori anoona nezvevechidiki muZanu-PF VaPupurai Togarepi vanoti hapana chakaipa kuti vaite chisungo chekuti vati VaMnangagwa ndivo vavanoda kuti varambe vari panyanga nekuti bato ravo nderechimurenga rinotungamirwa nemunhu mumwe chete panguva imwe chete.
Asi mutungamiri wevechidiki muMDC Youth League VaObey Sithole vanoti zviri kuitwa neZanu-PF hazvina nematuro ose sezvo vachiri vati VaMnangagwa havana chavari kuita chine musoro kusimudzira nyika.
Facebook Forum