Accessibility links

Breaking News

Nzvimbo yakagadzirwa neZanu PF muChinhoyi Pamberi peSarudzo Yovhundutsa Vagari neVemapato Anopikisa


Hutungamiri hweMDC Alliance

Nhengo yeMDC Alliance iri kukwikwidza musarudzo yemakanzuru muwadhi 4 kuChinhoyi, VaBrighton Mhizha, vanoti musasa wakavhurwa nenhengo dzeZanu PF ndewekutyisidzira vagari kuti vavhotere bato reZanu PF iro vasisade.

Kanzura wenzvimbo iyi uye vachakwiwidza vakamirira Zanu PF, VaIgnatius Zvigadza, vanobvuma kuti vakagadzira nzvimbo yekuti vasangane nenhengo dzavo vachironga nezvekutsvaka rutsigiro, kana kuti management centre, kwete kuti vakaiita vaine chinangwa chekushungurudza vanhu.

VaZvigadza vanoti vanhu vari kuti ibhesi rekushungurudzira vanhu havazive uye vanhu vari kutya kukundwa musarudzo sezvavachaitwa svondo rinouya.

Sachigaro weZanu PF muwadhi iyi, VaTonderai Chaziva, vanoti nzvimbo yavakavhura iyi yakasiyana nemabhesi emusarudzo dzekumashure nokuda kwekuti hapana anorara ipapo uye vanhu vanoita misangano yavo masikati kwete manheru.

Mumwe mugari wemumusha unogara veruzhinji wakaiswa nzvimbo iyi, Muzvare Sithembile Sibanda, vanoti nzvimbo iyi yakaiswa nemusiwe China asi hapana munhu akamborohwa vachiti vanongovaitira ruzha nekuimbakwavo sezvo nzvimbo iyi iri pakati pedzimba.

Nyaya yenzvimbo iyi yakabuda pamusangano wekomiti yeMulti-Party Liason nezuro mapato akawirirana kuti mapurisa aferefete nyaya iyi zvizere. Asi hatina kunzwa kumutauriri wemapurisa mudunhu reMashonaland West,. VaClemence Mabgweazara, kuti vave papi nenyaya iyi sezvo vati havasi kuziva zvisungo zvakaitwa nezuro vachiti vachazviziva mangwana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG