Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoshorerwa Kutaura Sarudzo dza2023 Hupfumi Husina Kumira Zvakanaka


VaLuke Malaba naVaEmmerson Mnangagwa
VaLuke Malaba naVaEmmerson Mnangagwa

Nhengo dzeZanu-PF dzakawanda dzasvika kuEsigodini, Umzingwane, Matabeleland South kumusangano wepagore uri kuparurwa munzvimbo iyi nemusi weChishanu.

Bato iri rakatopeta misangano yePolitburo neCentral Committee muHarare seznzira yekukura nzira yekuenda kuEsigodini.

Mutungamiri wenyika uye vari mutungamiri webato iri, VaEmmerson Mnangagwa, vari kutarisirwa kusvika kumusangano uyu neChishanu.

Asi nyaya iri pamuromo wevakawanda inyaya yekuti sei bato iri riri kumhanyirira kuti VaMnangagwa ndivo vachakwikwidza musarudzo dza2023 ivo vachangobva mukusarudzwa gore rino.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachitungamira sangano reCenter for Natural Resource Governance, VaFarai Maguwu, vanoti zviri kuitwa neZanu-PF zvinoratidza kuti haina kuzvipira kugadzirisa matambudziko akatarisana nenyika.

Asi vakakwikwidza musarudzo yemumiriri weWarren Park muNational Assembly vakamirira Zanu-PF, VaGilbert Muponda, vanoti hapana chakaipa chiri kuitwa neZanu-PF sezvo pagore roga roga bato rinosimbaradza kuudza vatungamiri kuti vari kuvatsigira.

Hurukuro naVaFarai Maguwu naVaGilbert Mponda
please wait

No media source currently available

0:00 0:05:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Facebook Forum

XS
SM
MD
LG