Accessibility links

Zanu-PF Yoronga Kuramba Vaongorori veSarudzo veKunze

  • Blessing Zulu

Mutungamiri wenyika, VaRobert Mugabe, nebato ravo reZanu-PF, vave kugadzirirazve kuita hondo neSADCnesangano reUnited Nations panyaya yesarudzo.

Masangano aya anoti anoda kuti ave nechekuita nesarudzo idzo dzinonzi neZanu-PF dzinofanirwa kuitwa gore rino risati rapera kunyange hazvo pasina kuwirirana nemapato maviri eMDC ari muhurumende yemubatanidzwa.

Sangano reUnited Nations Development Program, kana kuti UNDP, rinonzi rakataura negurukota rezvemitemo, VaPatrick Chinamasa, svondo rapera kuti rikwanse kuongorora sarudzo dzichaitwa munyika.

Svondo rapera, Britain inonzi yakatiwo inodawo kuti ive nechekuita nesarudzo dzemunyika. Asi vakaoma musoro muZanu-PF vanoti havasi kuda kuti nyika dzekunze, kusanganisirawo SADC, dzipindire munyaya dzesarudzo.

Vakaoma musoro muZanu PF vanoti United Nations yakabatsira Ivory Coast kuita sarudzo asi ikazotora divi yotsigira VaAlassane Quattara avo vakatambirwa nenyika dzakawanda kuti vainge vakunda VaLaurent Bgabgo musarudzo yemutungamiri wenyika yegore rapera kunyange VaGbabgo vainge vorambira pachigaro.

VaGbabgo, avo vakasungwa neMuvhuro, vaiti ivo naVaMugabe havadiwi nenyika dzekumavirira.

Mutauriri weZanu-PF, VaRugare Gumbo, vanoti vanogona kushanda neUN asi kwete neBritain.

Gweta uye vachishanda sa Regional Cordinator weCrisis in Zimbabwe Coalition, VaDewa Mavhinga, vanoti Zanu-PF iri kuvhunduka chati kwatara.

XS
SM
MD
LG