Mukuru mubazi rezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF, VaTafadzwa Mugwadi, varamba mashoko ekuti chinangwa chavo ndechekuda kukanganisa vanopikisa zvikuru veMDC Alliance kwete kuzadzikisa zvavakavimbisa vanhu musarudzo dza2018.
Vanopikisa vari kupomera bato riri kutonga reZanu-PF mhosva yekushandisa mapurisa, mapurisa, vasori nematare kumbunyikidza vanopikisa.
Bato reMDC Alliance rinoti nhengo dzaro dziri kusungwa zvakanyanya uye kutadziswa kuita misangano nemapurisa kunyangwe veZanu-PF nemamwe mapato vari kuita madiro aJojina.
Asi VaMugwadi vanoti kana vamwe vakuru vakuru mumapato anopikisa eMDC vari kutosiya bato mapato aya vachienda kuZanu-PF nekuti vaona kuti harina gwara.
Vanoti bato ravo riri kuzadzikisa zvarakavimbisa sekugadzira migwagwa, kuvandudza nyaya yedzidzo nekugadzirisa hupfumi.
Facebook Forum