Accessibility links

Breaking News

ZANU-PF Yoramba Kutaura Pamusoro peHwaro hweSarudzo


Bato reZANU-PF rinoti razivisa zviri pamutemo vari kumiririra bato iri munhaurirano kuti varege kutaura nezvenyaya yehwaro hwesarudzo, kana kuti election roadmap, nenyaya yekuvandudza mashandiro evanochengetedza nyika, kana kuti security sector reform.

Bato iri rinoti mutungamiri waro, VaRobert Mugabe, vaziviswawo kuti vaende neshoko iri kune vamwe vatungamiri veSADC.

Asi chipangamazano chemutungamiri weSouth Africa, Muzvare Lindiwe Zulu, vanoti VaJacob Zuma vane simba rekuti ZANU-PF itevedzere zviri kudiwa neSADC zvekuunza shanduko munyika.

Muzvare Zulu vanoti havasati vapirwa zviri pamutemo danho ratorwa neZANU-PF iri. Vati vachaona kuti ichokwadi here kana voita nhaurirano mumazuva mashoma anotevera.

Mubato reZANU-PF mune chimoto sezvo vamwe vari kuti bato iri rinofanira kuteerera zviri kutaurwa neSADC, asi vamwe vachiti SADC iri kushandiswa nenyika dzekunze kuti VaMugabe vabviswe pachigaro.

Vamwe vakaoma musoro mubato iri vanonzi vari kutoti zviri nani kusiyana neSADC.

Vanoda kutaurirana neSADC vanonzi vakadzorerwa kumashure mushure mekunge nhumwa dzebato iri dzainge dzatumwa kuSADC, dzafambira dhongi rakaora.

Izvi zvinonzi zvapa kuti vakaoma musoro vabve vasimbisa nyaya yekuti varege kudududza kana voshanda neSADC.

SADC iri kutarisirwa kuita musangano wayo wekuzeya gakava riri muZimbabwe mwedzi unouya kuSouth Africa.

Mutauriri weZanu PF, Va Rugare Gumbo, vanoti bato ravo rinoita zvinenge zvabvumiranwa neveruzhinji.

Nyanzvi munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaClifford Mashiri, vanoti danho re ZANU-PF rinoratidza kuti bato iri riri kuzvinyengedza.

XS
SM
MD
LG