Accessibility links

Breaking News

ZANU-PF Inonyima Amai Lesabe Mukana Wekuva Gamba


ZANU-PF yaramba kupa Amai Tenjiwe Lesabe, chiremera chegamba, ichi chiremera ichi chinopihwa chete kumunhu akaratidza kushinga ari muZANU-PF kusvika afa.

Nhengo yeZANU-PF, VaDidymus Mutasa, vati kunyange hazvo Amai Lesabe vakashandira rusununguko hwenyika, vakasiya ZANU-PF vakaenda kuZAPU, inotungamirwa naVaDumiso Dabengwa, izvo zvakapa kuti vasapihwe chiremera chegamba.

Amai Lesabe vakashayikira ku Bulawayo United Hospitals neChishanu, uye vanga vava nemakore makumi manomwe nemapfumbamwe ekuberekwa.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaMusekiwa Makwanya, vanoti Zanu PF yakagara yataura pachena kuti anenge asiri muZanu PF, haaitwe gamba renyika.

XS
SM
MD
LG