Accessibility links

Breaking News

Zanu-PF Yoparura Mapepanhau Kumaruwa


Zanu-PF yaimbova nebepanhau rayo kare re The Voice, asi rakavharwa makore apfuura.

Bato reZanu-PF raparura mapepanhau maviri, The Insider ne Zimbabwe Today. Mapepanhau aya akatotanga kuendeswa kumaruwa pasina mubhadharo. Nyanzvi munyaya dzenhau dzinoti Zanu-PF inogona kunge iri kutevedzerawo zvakaitwa ne MDC inotungamirirwa naVa Morgan Tsvangirai, iyo inoburitsa mapepanhau ayo e The Changing Times ne The Prime Minister’s Newsletter.

Zanu-PF yaimbova nepepanhau rayo kare re The Voice, asi rakavharwa makore apfuura. Bepa rekutanga kudhindwa re Insider rinoshoropodza MDC kuti haisi kuita zvakakwana kurwisa huori mumakurukota ayo.

Ukuwo Zimbabwe Today ine nyaya dzakareba dzakanyorwa naVa Reason Wafawarova, pamwe nasachigaro ve Broadcasting Authority of Zimbabwe, Va Tafataona Mahoso, vachishoropodza nyika dzakabudirira dzakatemera zvirango mutungamiri wenyika, Va Robert Mugabe nevamwe vavo muZanu-PF.

Studio7 haina kukwanisa kubata mutauriri weZanu-PF, Va Rugare Gumbo, kuti tinzwe zvizere pamusoro pemapepanhau aya.

VaTakura Zhangazha inyanzvi munyaya dzenhau uye vachishanda vakazvimirira. VaZhangazha vanoti vazhinji mumaruwa vachaverenga mapepanhau aya, asi havazobatwi kumeso kuti zvinhu zvachinja munyika nekuti hazvisati zvachinja.

XS
SM
MD
LG