Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoparura Chirongwa Chekushoropodza Zvirango


Mutungamiri weZanu PF, VaRobert Mugabe, neChitatu vari kutarisirwa kuparura muHarare chirongwa chekuti zvirango zvakatemerwa bato ravo nenyika dzekumawirira zvibviswe.

Pasi pedingindira rinoti “Zvirango zvinouraya”, Zanu PF iri kutarisira kuti ingangowana masiginecha anodarika mamiriyoni maviri senzira yekuudza vakatemera zvirango izvi, izvo zvinonzi nebato iri zvakatemerwa nyika dzekumawirira, kuti vazvibvise.

Zvinonzi bato iri riri kutakura nemabhazi vanhu kubva kumatunhu akasiyana siyana enyika kuti vange varipowo pahurongwa uhwu.

Vatsigiri veZanu F pamwe nevakarwa hondo yerusununguko vanonziwo vari kumanikidza vanhu kusaina gwaro renyunyuto uye kuti vange varipowo pagungano reChitatu iri.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vaudza Studio7 kuti vakoka munhu wose kuchiitiko ichi, zvisineyi kuti ndewebato ripi.

Asi mutauriri weMDC inotungamirwa naVaMorgan Tsvangirai, VaNelson Chamisa, vaudza Studio7 kuti bato ravo harineyi nehurongwa hweZanu PF uhwu.

Mwedzi wapera European Union yakabvisa zvirango zvayakanga yakatemera dzimwe nhengo dzeZanu PF vapenyu nevakafa, pamwe nemadzimai emamwe mauto nemapurisa.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaCharles Mutasa, vanotiwo hurongwa hweZanu PF uhwu hahuna zvikuru zvahunoshandura pamamiriro akaita nyaya yezvirango.

XS
SM
MD
LG