Accessibility links

Breaking News

Zanu PF Yoongorora Zvakaburitswa neMagwaro eWikiLeaks


Bato reZanu PF rabvuma kuti rakakurukura kekutanga pamusoro pemagwaro eWikiLeaks, ayo akafumura misangano yakaitwa muchivande nedzimwe nhengo dzebato iri nevamiriri veAmerica muZimbabwe.


Mumisangano iyi, nhengo dzeZanu PF dzaitaura pamusoro pehutongi hwemutungamiri webato iri, VaRobert Mugabe, pamwe nekukura kwavaita izvo zviri kunzi zviri kupa kuti vatadze kutonga zvakanaka.

Mutauriri weZanu PF, VaRugare Gumbo, vanoti Central Committee yebato ravo yakasangana ikakurukura nezvenyaya iyi svondo rapera. VaGumbo vanoti nyaya iyi yakandwa mudare nenhengo yekomiti iyi kuManicaland, Amai Mandi Chimene.

VaMugabe vanonzi vakaudza musangano uyu kuti nyika ngaimirire zvichabuda kubva muongororo yava kuitwa nebato ravo pamusoro penyaya iyi.

Vakabatwabatwa neWikiLeaks muZanu PF vanosanganisira vatevedzeri wemutungamiri wenyika, Amai Joice Mujuru naVaJohn Nkomo, gurukota rezvekuendesa hupfumi kuvatema, VaSaviour Kasukuwere, mukokeri weZanu PF muparamende, VaJoram Gumbo, gavhuna webhanga guru renyika, VaGideon Gono pamwe nevaimbove gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, uye vari mumiriri weTsholotsho North, VaJonathan Moyo, avo vakavharisa mapepanhau akawanda apo vakanga vari gurukota.

Nyaya yemaWikiLeaks iyi iri kubuda panguva iyo Zanu PF iri kugadzirira musangano wayo wepagore, weNational People’s Conference, uyo uri kutarisirwa kuitwa kutanga kwazvita gore rino.

VaRugare Gumbo vanoti zvakabuda muWikiLeaks havaoni zvichitsemura bato ravo sezvo vachiti Zanu PF yakabva kure uko yakasanganawo nezvakawanda asi yakazvikunda zvakadaro.

Nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, VaCharles Mutasa, vanotiwo danho rotorwa neZanu PF iri rinogona kutsemura musangano uyu nepakati, sezvo pakagara pachinzi pane zvikwata zviri kurwisana mubato iri.

XS
SM
MD
LG